Chiporofita chine profit

TOSE zvedu takambosangana nevamwe vanhu vanozvida, uye vachidada zvekuti vanenge ndivo vanoita kuti zuva ribude, nemaruva atumbuke. Vanhu vakadai kana vakada kuzvininipisa, zvinongooneka kuti vari kumanikidzira nekuti

Ngozi yobata sahwira

NGOZI yababa nemwana avo vakapondwa makore 37 adarika iri kuita kubaka semoto vachipfukira imwe mhuri yekwaMuusha, kuNyanyadzi kudunhu reManicaland, izvo zvamanikidza hama dzevakapara mhosva iyi kunopotera

Takazvipira: NRZ

KAMBANI inotakura veruzhinji pamwe chete nezvinhu zvakatsaukana, yeNational Railways of Zimbabwe (NRZ), inoti yakazvipira kusimudzira upfumi hwenyika nekuita basa rayo nenguva nedonzvo rekuzadzisa zviri

Vopura mari nemakeke nekusona

GURUKOTA rezvemadzimai, kuenzaniswa kwemikana nekusimudzirwa kwenharaunda, Cde Nyasha Chikwinya, vanokurudzira madzimai kuti vashande nesimba kuitira kuti vabudirire muupenyu hwavo izvo zvinova

Kurwisa kubatwa chibharo

VADZIDZI vakabva kuzvikoro zvakasiyana vakafundiswa nezvenzira dzekurwisa kubatwa chibharo pamwe nematanho avangatore kana zvichinge zvaitika.

Madzimai opunduka nekurima

MABHINDAUKO ekurima emadzimai kwaShe Gambiza kwaChiwundura, kuGweru obudirira zvikuru uye vari kuvandudza zvirimwa zvavo nekugadzira zvakasiyana izvo zviri kukwezva vatengi.

Bhadharai mvura yamunoshandisa: Zinwa

KAMBANI yeZimbabwe National Water Authority (Zinwa) inoti zvakakosha kuti varimi vanyorese mvura yavanoshandisa yakaita seyemumadhamu, munzizi kana zvibhorani pamwe nekuti vakwanise kuibhadhara.

Ramsey ozvitemba

AARON Ramsey ari kuzvitemba kuti Wales ichabudirira kunotamba kumutambo mukuru asi hunge yakakunda Bosnia.

‘Kuchembera sandi huroyi’

CHEMBERE neharahwa dziri kuchema-chema kune veruzhinji kuti vavabate munharaunda dzavanogara nerudo kwete kuvapumha huroyi izvo zviri kuita kuti vamwe vavo vapedzisire vave kuchengetwa nevatorwa mumisha

Varairidzi vakadzokera kumabasa

ZVIKORO zvakavhurwa nemusi weChipiri svondo rino pasina zvipingidzo panguva iyo mamwe masangano anomiririra vadzidzisi ainge ambokurudzira kuti vamwe varairidzi kuramwa mabasa.

×
×