Kakomana (14) kakamitisa vasikana 2 l ‘Imhaka yekuti ndakachecheudzwa’
Nyaya iyi yatenderedza vechikuru veko misoro sezvo paine mashoko anoti kakomana aka kakashereketa nevasikana 21 apo vana vacho vakazobata mimba. Asi kakomana aka, ako katisingadure nezita sezvo kachiri pwere, kanoti…
Jira rinochinja kuita zinyoka l Maroja vachirohwa nezvibhakera l Vakadzi vavo vachishinhwa navo
VAGARI vepane mumwe musha uri mubhuku raZhanje, kwaSeke, vanoti vaoneswa ndondo nejira reretso ravakangoona rava muimwe imba yavo iro ravanoti rinombosanduka kuita zinyoka uye vanhukadzi vepo
Akamuka akaguswa
MURUME saimba wekuZengeza 4, kuChitungwiza, akafuma akaguswa vhudzi rose resikarudzi muchiitiko chinonzi chakaitwa nevaroyi asi zvikakonzera kupopotedzana nemudzimai wake uyo aiti aive aveurwa nepfambi.
Hurema handi kukundikana l Mudzidzisi asina zvigunwe anoita zvishamiso
CHIREVO chinoti hurema hazvirevi kukundikana chinozadziswa nemumwe mudzidzisi wechirume uyo, zvisinei nekuti akaremara mawoko ose, ari kubudirira muzvinangwa nemubasa rake.
‘Sunungukira kuzvipatara’ l Vamwe vananyamukuta vemudzimba vane njodzi
Muchaneta Chimuka naMalven Mugadzikwa MUKURU anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Portia Manangazira, vanoti vananyamukuta vakawanda vanoshandira mudzimba havana kudzidzira basa iri izvo zvine njodzi huru
Zvinoda vechidiki: Raphael Phiri
SHASHA yenhabvu yakambotambira maWarriors neRio Tinto – Raphael Phiri – ari mubati wepagedhi anoti mutambo uyu muZimbabwe unobudirira chete kana tarenda revechidiki avo vanove vatambi vemangwana rikatsigirwa zvizere.
Wotoshinga kuti ubudirire: Dhemba
Yvonne Chidochashe Manyanja MUIMBI ari kusimukira mumusambo weAfro-jazz, Abigail Bangariro Dhemba, anoti vaimbi vachiri kutanga vanofanira kushingirira kuti vabudirire zvisinei nematambudziko avanosangana nawo akaita sekushaya mari
Kurima bhinzi nemazvo
Mudhumeni Mukuru Ivan Craig APO mvura yekunaya iri shoma kudai, ndinoziva kuti varimi vazhinji vane shungu dzekurima. Zvisinei, varimi munogona kurima mapfunde emwaka mupfupi, mufarinya, mbambaira, gorosi remvura yekunaya, munyorondega
MAONERO EDU: Vana vanoda gwara chairo
MAZUVA ano kune nyaya dzine chitsama dziri kubuda munhau dzevana vakomana nevasikana vasati vayaruka avo vari kushinha.
Mvura inoda kukosheswa!
KANA uchiri kuti nyaya yokusanaya kwemvura inyaya yeHurumende kana varimi, wakarasika. Nokuti mvura UPENYU hwomunhu wose.











