Kudyidzana kweHIV neCovid
Munyori weKwayedza VANHU vanorarama nehutachiona hweHIV vari kukurudzirwa kuti vatore mishonga yavo nemazvo panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19. Kurudziro iyi yakaitwa naVaAmon Mpofu vanove monitoring and evaluation director wesangano reNational…
Votaura nezvekubaiwa majekiseni
Muchaneta Chimuka naMercy Chimenya VANHU vemazera akasiyana vari kutambira nemawoko maviri basa riri kuitwa neHurumende rekurwisa kuparira kwechirwere cheCovid-19 uye vamwe vavo vanoti vakazvipira kubaiwa majekiseni ekudzivirira denda iri (vaccines).…
Zim muSADC pavanhu vafa
Tandayi Motsi ZIMBABWE ichiri panhamba yechipiri mudunhu reSADC panyaya yevanhu vari kufa nechirwere cheCovid-19 uye kusvika nemusi weSvondo, varwere 1 400 vange vafa nedenda iri munyika muno. Magwaro anoburitswa pazuva…
Mabatirwo emunhu ane Covid kumba
Muchaneta Chimuka VANAHUTSANANA vemunharaunda, avo vari kuona nezvenyaya dzekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 (Community Health Workers on Covid-19) kumativi ose enyika, vari kukurudzira kuti vechidiki vawaniswe dzidziso pamusoro pedenda iri sezvo…
‘Vane gomarara dzivirirwai’
Precious Manomano HURUMENDE iri kukurudzira varwere vegomarara kuti vavhenekwe nekubaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19. Kurapwa kwegomarara kunonzi kunoderedza simba remasoja emuviri panyaya yekurwisa hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19. Mushonga…
Akafa mubongozozo redoro
Kingstone Mapupu MURUME wekuChipinge anonzi akarohwa kuTriangle, kuChiredzi, zvekuitwa kafiramberi apo akanetsana nechimwe chikwata chevarume vachirwira doro. Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa1…
Muzvinabhizmusi onzi akapfura munhu
Muchaneta Chimuka MUZVINHABHIZIMISI wekwaSeke akamiswa mudare reChitungwiza Magistrate’s Courts nemhosva mbiri, yekuuraya munhu nepfuti neyekuedza kuvanza umbowo. Mutongi Tinashe Tashaya akati Ngoni Rufu (46) adzoke mudare musi wa17 Kukadzi apo…
Ngirozi hadzifarire mask: Mapositori
Kingstone Mapupu PANGUVA iyo Hurumende iri kukurudzira veruzhinji kuti vatevedzera matanho ose ekuedza kumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, kune vamwe vanamati vechipositori vari kuungana zvekupotsa vasvika zana, izvo zvisiri kutenderwa nemutemo,…
‘Lockdown inobatsira’
Muchaneta Chimuka MAMWE emasangano akazvimirira ari kurumbidza Hurumende zvichitevera chirongwa chayakaita chekuti veruzhinji vambogara kudzimba nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 cheLevel 4 National Lockdown kusvika musi wa15 Kukadzi achiti danho…
Mapere arura kwaGutu
Kingstone Mapupu VARIMI vekumapurazi eDevure nemaruwa akakomberedza, dunhu raMambo Chiwara kwaGutu, vanoti zvipfuyo zvavo zvinosanganisira mombe, mbudzi nemakwai zvapera kudyiwa nemapere. VaHonest Mberikunashe (59) vepapurazi reMberikunashe riri pamuganhu weGutu neBikita…











