Covid nemiti yechivanhu

Tendai Rupapa ZIMBABWE nemusi weChitatu yakaita hurukuro yekutanga pakati pevarapi vechivanhu nemachiremba vakadzidzira basa nedzimwe nyanzvi dzezveutano nechinangwa chekutsvaga nzira dzekuti mishonga yechivanhu ingashandiswe sei mukurwisa zvirwere zvinosanganisira Covid-19. Hurukuro…

Baiwai majekiseni’

Mukudzei Chingwere KUNYANGWE zvazvo majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 achabaiwa kune vanoda, bazi rezveutano nekurerwa kwevana riri kukurudzira vanhu vose vemuZimbabwe kuti vagashire mushonga uyu nedonzvo rekuti vadzivirirwe kubva kudenda iri…

Ongororo yemhando itsva yechirwere cheCovid-19 yoitwa

Munyori weKwayedza ZIMBABWE iri kuita ongororo yekuona kuti mhando itsva yechirwere cheCovid-19 – iyo yakanyuka kuSouth Africa – yakapinda here munyika muno panguva iyo Hurumende iri kushanda pamwe chete nesangano…

Mushonga weCovid wotarisirwa kusvika

Tandayi Motsi MUSHONGA wekudzivirira chirwere cheCovid-19 (vaccines) uri kutarisirwa kutanga kusvika muZimbabwe svondo rinouya musi wa15 Kukadzi uye Hurumende ine hurongwa hwekuti vanhu vanosvika 10 miriyoni vabaiwe majekiseni ekudzivirira denda…

Vobatwa neCovid voderera

Tandayi Motsi HUWANDU hwevanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe pamwe chete nevari kufa nedenda iri huri kudzikira zvichitevera matanho ekurwisa chirwere ichi ayo akatorwa neHurumende pasi pechirongwa cheLevel 4 National…

Sabhuku haape matsamba: ZRP

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti madzishe, masabhuku nevamwe vatungamiriri venharaunda havana mvumo yekunyorera vanhu matsamba ekuti vashandise pakufamba (exemption letters) sezvinodiwa nemitemo yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-18. Mutauriri…

Mari nezvekudya kune vanoshaya . Vanozvishandira vapihwa $89m

Enacy Mapakame HURUMENDE yakapa rubatsiro rwe$89 miriyoni pasi pehomwe yekuyamura vanhu vanoita mabasa emaoko munyika yose zvichitevera kukanganiswa kwakaitwa raramo yavo nechirwere cheCovid-19. Bazi revashandi nekubatsirwa kwevanoshaya rinoti mumagwaro aro…

Ndufu dzoongororwa

Munyori weKwayedza HURUMENDE inoti ine hurongwa hwekuti nyanzvi dzezveutano dzipote dzchiongorora ndufu dzose dzemunharaunda nechinangwa chekuderedza kupararira kwechirwere cheCovid-19. Danho iri riri kuuya apo kusvika nemusi weChina vanhu 34 171…

Covid yokanganisa varimi vechidzimai

Muchaneta Chimuka CHIRWERE cheCovid-19 chinonzi chiri kukanganisa zvikuru mabasa evanhukadzi vari munyaya dzekurima zvichitevera matambudziko avari kusangana nawo sekutadza kuenda kumisika kunotengesa zvirimwa zvavo nekunotenga zvekushandisa. Mutungamiriri wesangano reZimbabwe Women…

Kudzimba hakuchina chakanaka – Padare

Abel Ndooka SANGANO rinorwira kodzero dzevanhurume nevanhukadzi, rePadare/Enkudleni Men’s Forum on Gender, rinoti riri kushanda nemapoka anosanganisira vaimbi nevanoita zvemadhirama mukurwisa nyaya dzemhirizhonga mudzimba zvichitevera kuwanda kwadziri kuita nekuda kwechirwere…

×
×