Mupurwa unopfumisa here? . . . kana kukuvadza muvengi wako
Kingstone Mapupu PACHIVANHU, kune mhuka dzinonzi dzinoshandiswa nevanhu vanoita mabasa akaipa kana kuti erima akadai sekuromba nekuroya idzo dzinosanganisira bere, zizi, nyoka nemupurwa. Mazuva ano, zvinotaridza kuti vamwe vanoshereketa vari…
Batsirai murume ayaura negomarara
Muchaneta Chimuka MURUME ane makore 62 okuberekwa wekuBudiriro 5B, muHarare ari kuyaura nemarwadzo zvichitevera dambudziko regomarara remuura pamwe nereduriro (Gastric neProstate cancer) nekudaro ari kutsvaga rubatsiro rwemari yekurapwa pamwechete neruyamuro…
Batsirai mudzimai anoda kuvhiiwa musoro
Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wechidiki, Carol Tsitsi Marufu (37), ari kutsvaga rubatsiro rwemari inosvika US$6 000 yekuti avhiiwe mumusoro uye muchibereko zvichitevera kurwadziwa kwakanyanya kwaari kuitwa nemuviri rinova dambudziko rakanyuka kubva…
Mudzimai anotengesa muviri apondwa
Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 20 okuberekwa aiita basa rekutengesa muviri wekuNorthwood Suburb kuMberengwa anonzi akapondwa nevarume vaviri vakange vamukecha pamwechete nemumwe wake vachimupomera kuti aive avabira US$500 yavo apo…
‘Tsika dzakanaka dzawondongwa’ . . . tezvara vodanana nemuroora
Kingstone Mapupu TSIKA dzedu sevanhu vatema dziri kumboenda kupi? Nhasi uno hazvichashamisi kunzwa kuti mukuwasha ari kudanana naambuya kana kuti tezvara vari kupisa rudo nemuroora. Kuti ndicho chirungu chakati kuuya…
WFP, UNFPA votsigira kurimwa kwemapindu
Muchaneta Chimuka SANGANO reWorld Food Programme, rakabatana nereUnited Nations Population Fund (UNFPA), vosimudzira raramo yevagari vekumaruwa kuburikidza nekuvatsigira kuti vaite mabhindauko ekurima mapindu emiriwo (nutritional gardens), izvo zviri kuvawanisa raramo…
Handisati ndapera: Utsiwegota
Kingstone Mapupu MUIMBI akamboita mukurumbira munyika muno nemusambo weUrban Grooves makore adarika, Innocent Rusununguko Utsiwegota, anoti haasati apera uye adzoka mudariro zvine mutsindo nenziyo itsva inonzi “Zimbabwean Girl”, iyo akatopedza…
Nzira dzekurera mhuri dzaishandiswa pasichigare . . . kwaicharikwa makwenzi
Kingstone Mapupu PASICHIGARE, kunonzi kune nzira dzaishandiswa pakurera mhuri kuti mudzimai asabate pamuviri dzakadai sekucharika makwenzi emiti yakasanangurika nekusungirira mishonga yechivanhu pamafundo ejira idzo dzasiyana nedzemazuva ano dzinosanganisira kunwa mapiritsi.…
Murume (45) apondwa mudzivo remubhawa
Kingstone Mapupu MURUME ane makore 45 okuberekwa akapondwa mubhawa panzvimbo yemabhizimisi yeMavule, kuZhombe apo ainwa doro svondo rapera mushure mekunetsana nevamwe varume vaviri. Nyaya iyi yakaitika nemusi wa16 Chivabvu nenguva…
Chichange chakachaya kuReggae Roadblock
Muchaneta Chimuka SHASHA dzemusambo weReggae dzichange dzichikwenya magitare padopiro remutambo mukuru weReggae Roadblock, uyo uchaitwa nemusi wa30 Chivabvu muguta reHarare uye gadziriro dzacho dzasvika kwamvura yacheka makumbo. Mutambo uyu uchange…











