‘Vechidiki musagarire maoko’
Abel Ndooka MUZVINABHIZIMISI wechidiki ari kusimukira – Tawana Mavhundura – okurudzira vamwe vechidiki kuti vasagarire maoko avo asi vamashandise kuita mabindauko akasiyana-siyana anounza pundutso inokwanisa kuvawanisa raramo. Muvhundura, uyo ane…
DeMbare, Kepe-kepe dhuma-dhuma
Abel Ndooka KUNOTSVA demo kugosara mupinyu nemusi weSvondo uno kuRufaro Stadium apo makara asingaonane, Dynamos FC neCAPS United, zvichasangana mumutambo weHarare Derby weMatch Day Twelve. Kare, mitambo yezvikwata zviviri izvi…
Mabvazuva Choral yadzoka nemutsindo
Abel Ndooka CHIKWATA chenziyo dzechitendero chine mukurumbira cheMabvazuva Choral Group chakabura dambarefu rechisere rinonzi Ndasunungurwa iro chinoti chine tarisiro huru yekuti richabatsira kutendeutsa veruzhinji. Dambarefu iri rine nziyo nhanhatu uye…
Munin’ina apondera mukoma imbwa
Kingstone Mapupu MURUME wekwaTamandayi kwaMambo Mutema, kuChipinge anonzi akaponda mukoma wake nekumutema-tema nebhemba mushure mekunge vanetsana pamusoro peimbwa. Amos Nduna (48) wepapurazi repaNumber 14 kuZiyapenduka Village akatomiswa mudare nekuda kwemhosva…
Mutyairi wekombi mudare arova mutikitivha
Muchaneta Chimuka MUTYAIRI wekombi anogara mubhuku rekwaChitsvatsva, kwaSeke wekupinda nemwenje mudziva apo anonzi akarikita mupurisa nezvibhakera mushure mekutsiurwa kuti abude mumugwagwa umo ainge akapaka kombi yake nenzira isina kunaka, akazvuzvurudzirwa…
Mudzimai aroverwa kudzvokora vamwe varume . . . asimudzwa ndokukandwa mudhireni
Nyore Madzianike MURUME wemuHarare akapihwa chirango chekunofondoka kwemaawa 220 pasina mubhadharo nedare mushure mekubatwa nemhosva yekurova mudzimai wake achimupomera mhosva yekutarisa-tarisa vamwe varume panguva iyo vakanga vari kufamba vese. Desmond…
Pwere 3 dzaba mapatsi emotokari . . . engine block, sleeves, head
Muchaneta Chimuka MUNYAYA inoita sebhaisikopo kana kuti firimu, pwere nhatu dzine makore okuberekwa anoti 10, 13 ne14 dzakamiswa mudare reChitungwiza Magistrates Court dzichipomerwa kuba mapatsi emotokari anokosha US$200 nenzira ine…
Mufundisi weAFM achenurwa pamhosva yehuwori
Muchaneta Chimuka MUFUNDISI wechechi yeAFM in Zimbabwe – Pastor Lebraity Makuni (28) – wekuRockview West Chitungwiza Branch, uyo akambomiswa mudare nemhosva yehuwori achipomerwa kuti akanyengedza mumwe mutendi wekereke iyi kuti…
Wanano yaparara mudzimai akwereta murume US$350
Chipo Mukorama WANANO yevaviri yakaparara mushure mekunge mudzimai atadza kudzosera US$350 yaaive akwereta kumurume wake. Izvi zvinotevera kudzingwa kwakaitwa Sibongile Zongora pamba nemurume wake, Farai Tangwira, munaKukadzi gore rino. Zongora…
‘Baba Guti vaida vanhu’
naAbel Ndooka MUVAMBI wechechi yeZAOGA Forward in Faith Ministries International, gamba renyika – mushakabvu Archbishop Ezekiel Handinawangu Guti – munhu aida vanhu uye vakashanda basa guru rekukurudzira veruzhinji kuzvishandira nemaoko…











