Fury odzoka nemutsindo
MURAIRIDZI waTyson Fury anoti ane chivimbo chekuti mutambi uyu – uyo aimbove shasha ine bhande reheavyweight – achadzoka mutsiva zvine mutsindo.
Vorwira HIV
Ndiwe wakandizora: Murume Iwe ukati unondida: Mukadzi Trymore Muvhawa— MURUME wekuEpworth, muHarare, ari kupomera mudzimai wake kuti akamutapurira utachiona hweHIV achiziva izvo zviri kuita kuti afunge kuda kuzviuraya nekuda kweshungu.
Fodya yakakanganiswa nemvura
KAMBANI yeTobbacco Industry Marketing Board (TIMB) inoti mvura yanga ichinaya nguva yadarika yakakanganisa zvikuru chirimwa chefodya kuminda mizhinji kumatunhu mana enyika.
Giroud orambira kuArsenal
OLIVIER Giroud pamwe chete naFrancis Coquelin naLaurent Koscienly vakasayina makondirakiti matsva kuArsenal asi ramangwana revamwe vatambi vanoti Mesut Ozil naAlexis Sanchez harisati razivikanwa.
Akatiza mwana chirema
‘Kudzinza kwedu hakuna zvakadaro’ MURUME wekuEpworth, muHarare, ari kunzi akatiza mudzimai wake mushure mekunge abara mwana akaremara mitezo achiti kudzinza kwavo hakuna kumbobvira kwazvarwa mwana akadai.
Mbuya vekuroya nenyoka vakafa
CHEMBERE yekuZhombe, iyo yakubuda pachena ichiti inoroya zvemandiriri uye kuti haichada mabasa erima aya mushure mekunge yatyorwa gumbo apo zvikwata zvevaroyi zvairwira nyama yekamwana, yakashaika neMugovera wakadarika mushure mekurwara kwenguva…
Mwana akabira amai
MUKOMANA wekuDema, wekupaza denga remba yaamai vake ndokuba midziyo inokosha US$398, akazozvidemba mushure mekubatwa nemhosva zvikaita kuti atongerwe kunodya refovhoro kwemwedzi gumi neminomwe.
Akapihwa gupuro nemukadzi
Tafadzwa Mutsotso— MURUME wekupihwa gupuro re$0,25 nemudzimai wake akashamisa vanhu vaive mudare apo akati anoda gwaro rerunyararo kuitira kuti akwanise kutaurirana naye kuti vadzokerane.
Vakabatsirana kubhinya hanzvadzi
VAKOMANA vana vekuenda kudare reChitungwiza Magistrates’ Courts vachinoita vafakazi panyaya yekubiwa kwekombiyuta nemimwe midziyo vakazogumisira vasungwa mudare umu apo hanzvadzi yavo, iyo yavakange vasungisa vachiti ndiyo yakaba, yakadura kuti vakaita…
Musikana webasa akaba midziyo
MUSIKANA aishanda basa remumba kwaSeke akaudza dare kuti akabira mukadzi waaisevenzera midziyo inokosha US$266 nekuti akange anonoka kumupa mari yake yemubhadharo yepamwedzi.







