Mwanakomana (25) aponda baba atsiurwa humbavha
MURUME ane makore 25 okuberekwa anobva kwaSabhuku Sanyika kudunhu raMambo Nyamweda, kuMhondoro anonzi akaponda baba vake nekuvarova nenduni uye kuvabaya nebanga pachipfuva mushure mekutsiurwa kuti aiva mbavha.
Gore rose mujeri aba mbatatisi dzeUS$8
Muchaneta Chimuka MUKOMANA ane makore 19 okuberekwa wekuUnit J, kuChitungwiza akaigochera pautsi apo akapaza imba yemuvakidzani wake ndokuba katsaga kembatatisi dzinokosha US$8 zvichitevera kupihwa kwaakaita chirango nedare chekupika jeri kwegore…
Mukoma aruma munin’ina vachirwira US$30
Muchaneta Chimuka MURUME wekuChitungwiza akazvuzvurudzirwa kudare nemhosva yekuruma munin’ina wake paruoko zvakaita kuti akuvare apo vairwira US$30 yaive yatumirwa naamai vavo. Obrient Chirungwa (25) akaruma Dylan Tembo (22) vachirwira mari…
‘Mapfekero emunhukadzi haizi pasipoti yekubatwa chibharo’
Muchaneta Chimuka HURUMENDE yobatana nemasangano akazvimiririra mukurwisa nyaya dzemhirizhonga kuvanhukadzi, kunyanya idzo vapari vemhosva nenharaunda vanogona kunenera mapfekero emunhu vachiti ndiwo akonzera kuti abatwe chibharo, zvinova zvisingagamuchirwi nemutemo. Vachitaura pachirongwa…
Tiri kurwira kupinda muPSL: Yabo
Abel Ndooka MURAIRIDZI wechikwata cheN’ombeyawora, iyo inokwikwidza muZIFA Northern Region Division One – Nesbert ‘Yabo’ Saruchera – anoti parizvino vari kurwira kuti vagopinda muCastle Lager Premier Soccer League mwaka unotevera.…
Sekuru vaponda muzukuru
Kingstone Mapupu MURUME ane makore 31 okuberekwa wepapurazi repaNumber 144 kuChenjiri kuSanyati, kudunhu reMashonaland West anonzi akaponda muzukuru wake nekuda kwechikonzero chisina kuzivikanwa. Tinei Chipadza (31), uyo aigara papurazi rimwechete…
Mujaho weEzekiel Guti walkathon woitwa
Abel Ndooka KUCHANGE kusingadanwe anonzwa kunzvimbo dzakasiyana dzenyika nemusi weMugovera uno apo veruzhinji vachafamba mujaho wewalkathon uyo unoitwa senzira yekurangarira gamba renyika, mushakabvu Archbishop Ezekiel Handinawangu Guti, avo vakavamba chechi…
Dambudziko rekusvibiswa kwemvura mumadhamu rokura
Muchaneta Chimuka BAZI rinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda reEnvironmental Management Agency (EMA) rinoti dambudziko rekusvibiswa kwemvura yemumadhamu makuru nemishonga inobva mumaindasitiri nekumwe riri kuramba richikura munyika izvo zvinogona kukangisa utano hwevanhu vanoishandisa…
PSL yoranga Kwekwe United
Abel Ndooka CHIKWATA cheKwekwe United chakashevedzwa kuti chigomira pamberi pekomiti yePremier Soccer League (PSL) Disciplinary Committee zvichitevera kutadza kwachakaita kutamba mutambo wacho neHerentals svondo radarika. Nemusi wa21 Kubvumbi, Kwekwe United…
Mabhidhiri: Maguruvhani orozva vanhu nenyuchi . . . oshandisa ‘queen bee’
Kingstone Mapupu NYAYA yenyuchi dzinonzi dziri kutumirwa vanhu vanenge vatadzira vamwe nenzira dzakadai sekuvabira mari kana midziyo yavo yokonzera mitauro yakawanda-wanda sezvo pane fungidziro huru kuti aya mabhidhiri ari kuitwa…











