Usakwidziridzwe kunge dzihwa
HANDISI gaffer, uye handidi kuita gaffer zvachose! Gaffer ndiye mukuru wavose, shasha yeshasha nemureza unosara wakamira mimwe mireza painodzikiswa.
‘Ini handisi mukadzi wemapoto’
Trymore Muvhawa MUDZiMAI wekuChinhoyi anoti atambudzwa zvikuru nemaitiro emurume wake uyo anobatsirana nevana vake kumurova achiudza vabereki vake kuti vari kungochaya mapoto.
‘Mai mwana musandirove kani!’
‘Iwewe regedza kudanana nemunin’ina wangu’ Trymore Muvhawa MURUME samusha anoti akatama pamusha nekuda kwemudzimai wake uyo waanoti anogara achimuzvindikita kumurova nekuedza kumutema nedemo.
‘Sando’ dzaVaChidyausiku
Wua yakaremekedza mupepeti wekutanga wekwayedza MUPEPETI wekutanga webepanhau reKwayedza, Dr Paul Chidyausiku, nguva yadarika vakaremekedzwa neWomen’s University in Africa (WUA) kuburikidza nekupihwa dhigirii reDr of Philosophy in Education semuchereredzo webasa
Costa anoita senge asvikirwa: Amai
. . . ndini murairidzi wake wekutanga AMAI vaCosta Nhamoinesu mutambi wemaWarriors neSparta Prague yekuCzech Republic – Getty Rudo Nhamoinesu – vanoti vanodada zvikuru nemwana wavo uyo wavanoti kana ave…
Kurima chibage muZhizha neSeed Co
Philip Matombo KURIMA nderimwe remabhizimisi riri kupa pundutso kumhuri dzakawanda munyika yeZimbabwe. Chikafu chinonyanya kudyiwa munyika yedu (staple food) isadza, kunyanya rechibage.
Unilever yovandudza zvimbuzi mumaguta
KAMBANI yeUnilever Zimbabwe, iyo inogadzira mishonga yekushambidza zvimbuzi yakaita seDomestos, yakabatsira vagari vemumusha weSunningdle, muHarare, nekuvandudza chimbuzi chikuru chiri panzvimbo yezvitoro icho change
Imbobika huku
Zviri Mugapu na Muchaneta Chimuka NYAMA yehuku haingodi kubikwa nenzira imwe chete sekufuraya kana kuti kukanga-kanga nemafuta sezvo ichipedzsira yave kufinha kuidya.
Tsigirai Jazz: Bhomba Chikara
MUIMBI weJazz ari kusimukira, Costa Mhesvumutamba — uyo anozivikanwa saBhomba Chikara — anoti zvakakosha kuti vatsigiri vemusambo uyu vautsigire zvizere sezvo pari zvino uri kudzikira zvikuru.
Gunduza abura bhuku idzva
Tafadzwa Mutsotso MUNYORI wemabhuku ane mukurumbira, Munyaradzi Gunduza, akabura rimwezve bhuku idzva renhetembo iro raakapepeta rinonzi Hodzeko Yenduri riine nhetembo dzake nedzevamwe vananyanduri gumi nevana.








