Chipoko chekupisa musha chanyarara
NYAYA yechipoko chemwanakomana weimwe mhuri yekwaSeke, uyo anonzi akafa mushure mekunwa muchetura —icho chainzi chaipisa imba, chichigeza muchimbuzi nekuridza redhiyo masikati machena — yakazogadziriswa.
‘Ndimi makauraya . . .’chembere yakaberekeswa chitunha
Ikafambiswa 10km ichirohwa ‘Mutsai mwana wedu izvozvi’
Vovakirwa zvikoro kunyanga
MUMIRIRIRI weNyanga South mudare reNational Assembly, Cde Supa Mandiwanzira – avo vanovazve gurukota rezvemichina yekufambisa mashoko neposvo – vanoti vane chishuwo chekusimudzira dzidzo kuNyanga
RONGEKAI: CARLOS MAX . . . ‘Nhabvu haina kwairi kuenda’
SHASHA yakamboita mukurumbira ichitambira zvikwata zvakaita seArcadia United, CAPS, Dynamos nemaWarriors – Carlos “Murehwa” Max – anoti nhabvu yemuno inobudirira chete kana zvikwata zvemuPremier Soccer Legaue pamwe nemasangano anozvitsigira vakarongeka.
Chabvondoka kuChipaz Bhora
KUCHANGE kusingadanwe anonzwa svondo rino nemusi weMugovera kunhandare yeGwanzura Stadium, muHarare kumutambo wevaimbi vesungura neveZim-Dancehall weChipaz Bhora.
Typhoid yapararira: Chonzi
MUKURU anoona nezveutano mukanzuru yeguta reHarare, Dr Prosper Chonzi, vanoti vanoshushikana zvikuru kuti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere chemanyoka etyphoid hwawedzera mukati memasvondo maviri adarika kubva pa15 kuenda pa138.
‘Varimi siyanai nechikiribidi’
VARIMI vakakurudzirwa kuti vasaite chitsotsi kana chikiribidi chekupinda mumakwikwi ekurima eshoo nezvirimwa zvavanenge vasina kurima kana zvinhu zvavasina kugadzira.
Varimi 14 vakahwinha
VARIMI gumi nevana kubva kumativi mana eZimbabwe, avo vakapinda mumakwikwi ekutanga ari kurongwa neKwayedza achitsigirwa nekambani inouchika mbeu yeSeed Co anodaidzwa kuti Mudhumeni Mukuru, vachapihwa
Zim wheelchair hutu kusa
CHIKWATA cheZimbabwe Wheelchair and Handcycling icho chakaenda kunokwikwidza kumutambo weOuteniqua Wheelchair Challenge kuSouth Africa svondo radarika chakakurudzirwa kurwa sebvumba kuti chigokunda mumakwikwi aya pamwe nekusimudza mureza wenyika nekuchengetedza tsika dzakanaka.…
Akayanikwa pachena nemukadzi mudare
Sandy Musungata MURUME wekuzama kunzvenga nyaya yekutizirwa kwaakaitwa nemusikana wake nekutsvaga gwaro redziviriro kudare akashaya pekupinda pazvakabuda pachena kuti akange asingashungurudzwe asi kuti yaive nzira yekuti









