Gadziriro dzechikoro … Vabereki, vana chipata-pata … Zvimwe zvitoro zvoita mari
YAKANGE iri batai-batai svondo rino muHarare nekune dzimwe nzvimbo nyika yose apo vabereki nevana vaitanga bishi kugadzirira kuvhurwa kwezvikoro svondo rinouya mushure mekumbofara pazororo reKisimusi neGoredzva.
Mourinho ozvitemba
JOSE Mourinho ari pazororo kuBrazil uye anozvitemba kuti achawana rimwe basa nekuti murairidzi wepamusoro-soro, sekutaura kwemumiriri wake.
Chirwere chetungundu chorwiswa
HURUMENDE yakapa US$30 000 yekuti mombe dzinge dzichibaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere chetungundu (anthrax) kuFilabusi, kudunhu reMatabeleland.
‘N’anga, maporofita enhema hokoyo!’
SANGANO rinomirira n’anga, maporofita navananyamukuta, reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA) rakatanga chirongwa chekuongorora nhengo dzaro nedonzvo rekuona kuti dziri kutevedzera mutemo here
Chinamwari◆ ‘Chuma hachipfekwe pose-pose ◆ ‘Chinoitwa kuvakadzi nevarume’ ◆‘Kusimbaradza rudo muwanano’
MURUME nemudzimai wake vekuBudiriro 5B, muHarare, vari kuita zvinorova nekudzidzisa vakadzi nevarume zvidavado zvetsika inozivikanwa kuti Chinamwari nechinangwa chekusimbaradza rudo.
‘Chirwere chinotevedza mumhuri’
CHAMANGWIZA weQueen Mary Bio Tech Laboratory Medical Institute, Dr Takudzwa Mutsvanga, vanoti Neurofibromatosis kukurura kwenyama kana tsinga zvisina kutsarukana.
Duramazwi: MHARADZAMUSASA
Ichi chiitiko chekupedzisira pane zvimwe zvose zvanga zvichiitwa pamutambo, sekuti rwiyo rwekupedzisira panga pachiimbwa.
India yobatsira dzidzo yeZim
NYIKA yeIndia yakazvipira mukusimudzira dzidzo yemuZimbabwe kuburikidza nekupa mabhezari kushasha dzezvidzidzo zvakasiyana zvinosanganisira zvekusimudzirwa kwemaruwa nekushandiswa kwemichina yechizvino-
‘Muramu anondipindira mubhedhuru ndirere’
Nyasha Chabvonga MUKADZI wekuDomboshava wekuti ari kupfuviswa nemunin’a wemurume wake uyo anomupindira mumba arere akatozopotera kudare.
Grade 7: Ipa Shona nguva, usaitarisire pasi
Ticha Danga TINOKUCHINGAMIDZAI nemufaro mukuru imi mabva mugwaro retanhatu (Grade 6) muchipinda mugwaro rechinomwe (Grade 7). Tinoti kwava kubva zera kwamaita uku uye mave pedyo nekurumurwa kuti muchiita






