Marymount Mission yakavhurwa zvakare

CHIKORO cheMarymount Mission, chiri kuRushinga, icho chakavharwa makore 38 adarika munguva yehondo yerusununguko rweZimbabwe, chavhurwa zvakare patanga gore rino.

Sungai dzisimbe: Katsande

KAPUTENI wechikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors, Willard Katsande, akakurudzira vatambi vese vachanokwikwidza kumutambo weAfrican Nations Championships (CHAN) kuRwanda kuti vasunge dzisimbe kuitira

Akaponda sekuru kuti adanane naambuya

MAPURISA ekuMarondera ari kuferefeta mhosva yemurume anonzi akaponda sekuru vake nechinangwa chekuti asare achinyatsosasana nemudzimai wavo.

Patagona ngatipembedze

Catherine Murombedzi MUGORE ra2015 makaitika zvizhinji kwazvo uye zvimwe zvaifadza zvimwe zvichisuwisa. Takatarira nhau yeutano nekurarama neutachiona hweHIV, zvakaonekwa kuti paruzhinji rwevanhu vakatanga kunwa mapiritsi emaARV

MAONERO EDU: Wadii wabatsirwa hako kuchipatara?

SVONDO rino tine imwe nyaya inosuwisa zvikuru yakaitika kwaSeke. Iyi inyaya yemukadzi ainge akazvitakura uyo ari kufungirwa kuti akafa nekurohwa kumasowe apo aipomerwa kuti airamba kureurura hupombwe panguva yaaida

Vogara nechitunha pasi pemubhedha l Chiri mupepabhegi, chichinhuwa l ‘Guva rakafukunurwa nasapurazi’ l Tinovaranga, vakapisira: Mambo

MHURI inoshanda pane rimwe purazi riri kuHeadlands, kuManicaland, iri kugara nechitunha chemwana chiri pasi pemubhedha mumba mushure mekufukunuriswa mutumbi wacho nemuridzi wepurazi achiti pavakaviga mwana uyu

‘Reurura upone, reurura . . .’Mukadzi ane mimba akafa nekurohwa kumasowe

PANE mukadzi ainge akazvitakura ari kufungirwa kuti akafa nekurohwa kumasowe kwaSeke apo aipomerwa kunzi airamba kureurura hupombwe panguva yaaida kusununguka.

Batsirai Faith, anoda $500

MUSIKANA anogara kuEpworth, muHarare, ari kutsvaga rubatsiro rwemari yekuti arapwe ziso rake iro riri kungokura uye rinomurwadza zvikuru.

CUMA yosimudzira vechidiki

CHAMANGWIZA werimwe boka rinosimudzira nhabvu yevechidiki – CUMA Football Academy – Herbert Manyowa anoti zvakakosha zvikuru kuti vatambi vakaita mukurumbira munhabvu vakaita saMoses Chunga naShepherd

‘murume wangu muroyi’

NYAYA yekunangana huroyi pakati peimwe mhuri inobva kuChimbwanda West, kuMarondera, yakapedzisira yasvika kunhepfenyuro yeStar FM vemhuri iyi vachitsvaga kubatsirwa neveruzhinji.

×