Bvunzo: Gore rino hapana chitsotsi
BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rinoti rakatora matanho ose akakodzera akananga kuona kuti mapepa ebvunzo dzegore rino dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzeGrade 7, O-Level neA-Level haasi kuzoburitswa nechikiribidi nguva yekunyorwa
Vavakidzani vorwira chimbuzi
Nyasha Chabvonga NYAYA yekurwira chimbuzi pakati pevavakidzani yakazoperera kudare apo mumwe akapoterako. Elizabeth Mabwe akamhan’arira Juliana Manyadza kuHarare Civil Court achiti vari kunetserana nyaya yepekuvakira chimbuzi.
Ivai neruzivo rwemarimirwo efodya: zfu
SANGANO reZimbabwe Farmers Union rinoti varimi vanofanira kuve neruzivo rwakadzama pamusoro pemarimirwo efodya uye kuti varime minda yavanokwanisa kushanda kuitira kuti igove yemhando yepamusoro iyo inovapa pundutso.
‘Chambers ane tarenda’
PER Mertesacker anofunga kuti mutambi weArsenal, Calum Chambers, ane tarenda rinonwisa mvura iro richamuona achinetsa zvikuru muPremier League uye anomuona achive mutambi wepamusoro.
Nust yoitisa zvidzidzo zveMaths neScience
NATIONAL University of Science and Technology (NUST) yakatanga chirongwa chekufundisa vana vekusekondari zvidzidzo zveMathematics neScience nechinangwa chekusimudzira zvidzidzo izvi.
DETEMBA TINZWE: Imbwa
naMunyaradzi Keni Nhamo yangu ini imbwa. Vamwe pavanondiona vanonditi ndakanaka. Vamwe pavanondiona vanonditi ndakaipa. Nokuti ndakanga ndakati ndee zvangu rimwe zuva. Ndichiona vamwe baba navamwe mai vachipopotedza. Baba vakatanga kuti…
‘Vaimbi, vana nyanduri rongekai’
VAIMBI navana nyanduri vanokurudzirwa kuti vave nehunhu hwakanaka uye kupa mucherechedzo unoyemurika kune veruzhinji sehwaro hwekubudirira kwemabhizimisi avo.
‘Wakatiza mwana murwere’
Cassius Mushore VANHU vaive mudare vakakatyamadzwa apo mumwe mukadzi akati murume wake akamutorera gwaro rerunyararo rekuti asamuchaire nhare mushure mekunge amuudza panharembozha kuti aida mari yekutenga mushonga wemwana wavo anorwara.
Mendenenzi iripo kuchengetedza, kuriritira vana
MUTEMO wemendenenzi uripo pakuti vana vange vachiriritirwa nemubereki kana kuti munhu anenge ari kugara nevana arerutsirwe mutoro, zvikuru sei takatarisa nyaya yekunetsa kwemari.
Mishonga inodariso: N’anga
DZIMWE nyanzvi dzezvechivanhu dzinoti zvinokwanisika kuti munhukadzi kana kuti munhurume ashinhwe naye pabonde nechikwambo asi iye asingazive.




