Makororo mana opika jeri kwemakore 31 

Kingstone Mapupu VARUME vana (4) vanobva kuWhitecliffe kudunhu raMambo Zvimba vakapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 31 pamumwe nemumwe wavo mushure mekubatwa nemhosva yekuba zvinhu zvakasiyana-siyana. Makororo aya ndiPeter Mabasa Tsaramunda…

Vanoshungurudza vanasikana hokoyoyi: Madzimambo

Kingstone Mapupu MADZIMAMBO voyambira vanhurume vane katsika kekushungurudza pabonde vanasikana vasati vabva zera vachiguma vavapa pamiviri zvinozoita kuti vasiire dzidzo panzira kuti vasiyane nehunhubu hwakadai. Mambo Ngezi, VaPeter Pasipamire, vanova…

Mwanasikana (16) apfimbwa paFacebook ndokubatwa chibharo

Muchaneta Chimuka MWANASIKANA ane makore 16 okuberekwa wekuBuhera, uyo akatsvaka rudo paFacebook, akasvika pakuvhevhetedzwa nemurume ane makore 22 waaifunga kuti achamuroora ndokubva amubata chibharo. Akasangana nemurume uyu paTrabablas Bus Stop…

Mukombe weMukuru 4Nations wauya kuZim

Tadious Manyepo ari kuFRANCISTOWN NZARA yemaWarriors yekuhwinha mukombe kwemakore masere yapera. Izvi zvinotevera kuhwinha kwaakaita mumutambo weMukuru 4Nations final kuObed Itani Chilume Stadium, kuBotswana, nomusi weChipiri manheru apo akakunda Zambia…

Mwanasikana (24) otsvagwa kwemakore maviri

Kingstone Mapupu MHURI inobva mumusha waSabhuku Rugare kwaNyika kuBikita, iri kutsvaga mwanasikana wayo, Beauty Mudyanebanga (24), uyo akagumisira kuonekwa mugore ra2024. Mai Evelyn Mukove (46) vanova amai vaMudyanebanga uye vanoshandira…

Muporofita akakanga ivhu repaguva pamoto semhiko yekurapa murwere

Tendai Gukutikwa MUMWE muporofita pamwechete nevamwe vaanoshanda navo vakaripiswa mombe naMambo Mutasa nekuda kwemhosva yekushereketa paguva remumwe murume apo vakatora ivhu repo ndokuita mhiko senzira yekupedza dambudziko raive nemunin’ina wemushakabvu…

Murume (61) ogara mujeri makore 60 abata chibharo mwana (9)

Muchaneta Chimuka MURUME ane makore 61 ekuberekwa akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 60 nedare reGokwe Magistrates’ Courts nekuda kwemhosva yekubata chibharo katatu kese mwanasikana ane makore mapfumbamwe okuzvarwa. Benjamin Sibanda…

Muimbi orwira kodzero dzevanhukadzi

Abel Ndooka MUIMBI wesungura ari kusimukira – Elias Thom – anoti zvakakosha kuti vanhukadzi vasimudzirwe munharaunda dzavanogara kwete kuvatarisira pasi. Thom, uyo anotungamira chikwata cheVapupuri Express, ane kambo — Single…

Horomba yegudo yashanyira murwere pamba

Kingstone Mapupu MHURI inogara kumindamirefu yeNivana, mudunhu raMambo Magonde, kuMhangura, kuMakonde, inoti yakashamiswa zvikuru nokuda kwehoromba yegudo yakashanyira misha yavo miviri yaichengeterwa mwanasikana anorwara ane makore 15 okuberekwa. Vemhuri yekwaMasauti,…

Ndakaberekerwa kushandira nyika: Suluman

Trust Khosa MUIMBI ane mukurumbira wemusambo weDendera, Suluman Chimbetu, anoti akaberekerwa kuti ashandire nyika pamwe chete nekuunza mufaro kumamiriyoni ezvizvarwa zveZimbabwe. Shasha iyi yechikwata cheOrchestra Dendera Kings yakataura mashoko aya…

×
×