Mwana ane ‘mangoromera’ arova mumwe akafa nekuda kweUS$2
Tendai Gukutikwa RIMA guru rakaburuka pachikoro cheMushunge High School, kwaMarange apo pakava nekunetsana nekuda kweUS$2 pakati pevadzidzi vaviri izvo zvakazoguma nekuti mwana weFomu 1 ange achirasikirwa neupenyu mushure mekunge arohwa…
Gandanga rouya kumusha!
Trust Khosa GANDANGA riri kuuya kumusha! Kungoziviswa kwazvakaitwa chete kwakaita pave nemufaro mukuru mudariro rezvemimhanzi muZimbabwe. Kudzoka kweshasha yemusambo weChimurenga, Thomas Mapfumo, mwedzi unotevera kuzoridza pamuchato waJah Prayzah hakusi kuuya…
Vana vaviri vatsakatika vari pamba
Kingstone Mapupu MUNYAYA inosuwisa zvakanyanya, kune mhuri mbiri — yekwaMutare neyekuMasvingo — dzakashaya vana vaviri vose vane makore matatu okuberekwa avo parizvino vari mushishi yekutsvagwa nemapurisa pamwe chete nevabereki vavo.…
Zimbabwe yosimbaradza kuenzaniswa kwemikana munyaya dzedzidzo
Muchaneta Chimuka HURUMENDE, kuburikidza nebazi redzidzo yepurayimari nesekondari, yakaparura chirongwa chiri maringe neongororo yakaitwa muzvikoro yakatarisana nenyaya dzekusimbaradza kuenzaniswa kwemikana pakati pevadzidzi vechisikana nevechikomana uye kutsigirwa kwevakaremara muzvikoro. Vachiparura chirongwa…
Murume (41) ofemeswa nemuchina weoxygen aregera kutora maARV
Muchaneta Chimuka MURUME wekuChitungwiza, VaDavid Mandiwenga (41), vanoti vakarasikirwa nemapapu avo ese mushure mekunge vazvisarudzira kuregedza kutora mishonga yavo yemaAntiretroviral Drugs (ARVs) kwemwedzi misere apo vakanga vava kushandisa mishonga yechivanhu.…
‘Kugeza muviri mazuva ose hakuna kunaka’
Mthokozisi Ncube KUGEZA muviri mazuva ose kunonzi kunogona kukanganisa utano kuburikidza nekuomarara kweganda uye kuwedzera mukana wekubatwa zvakare nechirwere chegomarara reganda, dzinodaro dzimwe nyanzvi dzezveutano. Nyanzvi dzinosanganisira dzekunze dzeUniversity of…
Vahosi vapisira nyachide, murume mumba
Muchaneta Chimuka NYAYA yeshanje pabarika inonzi yakakonzera kuti vahosi vapisire murume wavo pamwe chete nanyachide mumba nepeturu izvo zvakazoona mudzimai mudiki uyu achirasikirwa neupenyu hwake kuMudzi, kwaMutoko nguva pfupi yadarika.…
‘Hatife takadzokera kuSouth Africa’
Sikhumbuzo Moyo ZVIMWE zvizvarwa zvemuZimbabwe zviri kudzoka kubva kuSouth Africa zvinoti hazvife zvakadzokera zvakare kunyika iyi, vachitsanangura kushungurudzwa kwakanyanya kwavakasangana nako izvo zvakazovamanikidzira kudzoka nechimbi-chimbi. Vanoyambira zvakare kuti mapurazi akawanda…
Murume wekurwiswa negarwe owora maoko ose
Kingstone Mapupu MURUME ane makore 31 okuberekwa wekwaSabhuku Muchinjiko kwaChiendambuya, kwaRusape — uyo akarwisana negarwe rikamutyora maoko ose — anoti maoko aya ave kuwora nekuda kwemaronda akakuvarira mukati. Garikayi Chiweshe…
‘Ngwarirai maguruvhani anoshandisa dandemudande‘
Kingstone Mapupu VERUZHINJI vokurudzirwa kuti vangwarire nhubu kana kuti maguruvhani ari kushambadza midziyo yakadai semotokari pamadandemutande akasiyana-siyana uye vachizopedzisira vabira vanhu mari yavo. Yambiro iyi inotevera kusungwa uye kumiswa mudare…











