Murume arwiswa nemakororo 15 ndokupisirwa mudhudhudhu wake
Kingstone Mapupu MURUME ane makore 53 okuberekwa anove murindi pane imwe kambani kuShurugwi akarwiswa nemakororo 15 aive akapakata mabhemba, matemo nemapfumo avo vakamubira mari yake uye ndokuzopisa mudhudhudhu wake. Anonzi…
Mukoma aponda munin’ina (10)
MURUME ane makore 30 okuberekwa wemubhuku raMukanwa, kuBuhera akasungwa achipomerwa mhosva yekuuraya munin’ina wake ane makore 10 okuberekwa apo mwana uyu aive akarara izvo zvakasiya vagari vemunzvimbo iyi vasina neremuromo.…
Mwanasikana (8) apona neburi retsono mushure mekurwiswa negava
Conrad Mupesa MWANASIKANA ane makore masere okuberekwa wemurukisheni rweK14 kuKaroi, unove musha mutsva mudhorobha iri, akakuvara zvakaipisisa pagumbo mushure mekurwiswa negava nguva pfupi yadarika. Kurwiswa uku kwakaitika apo mwana uyu…
Muchandiguta: Maswanhise
Innocent Kurira MUTAMBI wekumberi wechikwata cheMotherwell, Tawanda Maswanhise, anoti acharamba achitamba zvinodakadza mushure mekudomwa kuti ndiye Scottish League Player of the Month wemuna Ndira. Anoti kutamba kwakanaka kuri kuitwa nechikwata…
Landlord aponda roja achiripomera kudanana nemudzimai wake
Kingstone Mapupu MURUME wemumusha waMashayabvudzi kuMvuma, kudunhu reMidlands anonzi akaponda muroja wake achimupomera mhosva yekudanana nemudzimai wake. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa31 Ndira. Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko,…
‘Ndakapisira munhu mumba nekuda kweUS$30’
Kingstone Mapupu MURUME anova murimi kunzvimbo yeSuri Suri kuChegutu anoti kupara mhosva hakubhadhare sezvo akadzoka kujeri, uko akapikira mhosva yekupisira munhu mumba nekuda kweUS$30, akawana mukadzi nemwana vatiza uye musha…
Mukorokoza awanikwa aine madeheny’a evanhu, mapfupa . . . zvakaputirwa nemachira eretso
Fungai Lupande MURUME ane makore 28 okuberekwa wekuBindura anova mukurokoza akamiswa mudare nemhosva yekuwanikwa aine madeheny’a maviri evanhu, mapfupa pamwe chete nevhudzi zvaive zvakasanganiswa neivhu zvakaputirwa nemachira eretso. Alfred Chinjiva…
Mhuri yopfukirwa nehama yakafa ichidyiwa nezvisingaonekwe
Kingstone Mapupu MHURI inogara kwaSabhuku Masunda kuMhandamabwe kwaChivi, kuMasvingo inoti ine matambudziko asingapere ayo akatanga mushure mekunge vafirwa nehama yaingodyiwa muviri nezvinhu zvisingaonekwe. Matambudziko aya akatarisana nemhuri yekwaMukozho uye anonzi…
Rudo rwechokwadi rwuchiriko: Tanga wekwa Sando
Trust Khosa SHASHA yemusambo wejazz, Tanga wekwa Sando, anoti rudo rwechokwadi rwuchiriko. Akataura mashoko aya apo vanhu vari murudo vari kugadzirira kupemberera zuva guru reValentine’s Day. Zuva iri rinopembererwa nemusi…
Murume (33) aponderwa doro rechikokiyana
Solomon Bhunu MURUME ane makore 33 okuberekwa wemumusha waMandeji kwaMambo Garahwa, kuChipinge akafa mushure mekubaiwa nebanga neshamwari yake apo vakanetsana pamusoro pekugovana doro rechikokiyana. Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector…











