Vanhu 2 vatsva zvekutadza kuzivikanwa mutsaona

Thupeyo Muleya VANHU vaviri vakatsva zvekutadza kuzivikanwa kuti ndivanani apo vamwe vaviri zvakare vakatsva zvakaipisisa mushure mekunge magonyeti maviri abonderana ndokubvira moto nemusi weChina manheru mumugwagwa Harare- Beitbridge pedyo nenzvimbo…

Veruzhinji vopembedza Hurumende nejekiseni itsva rinodzivirira HIV

Muchaneta Chimuka VERUZHINJI vari kugamuchira nemaoko maviri kuuya kwemushonga mutsva unobatsira mukudzivirira kutapurirwa kweutachiona hweHIV kwenguva ndefu kuburikidza nekubaiwa jekiseni reLenacapavir Jekiseni iri rinopa dziviriro yemwedzi mitanhatu munhu achizoenda kunobaiwa…

‘Tsikidzi dziri kukonzerwa nembatya dzemabhero’

Mirirai Nsingo KANZURU yeguta reHarare inoti kutengeswa pamwe nekuchengetwa kwembatya dzakambopfekwa kana kuti dzemabhero ndiko kuri kukonzera kunyuka kwetsikidzi muMbare. Vakuru vezveutano vakatanga kupinda munharaunda iyi kuti vaite ongororo maringe…

MaMighty Warriors opinda muhondo

Veronica Gwaze ari kuPOLOKWANE, South Africa CHIKWATA chenyika chemaMighty Warriors chakasvika kuSouth Africa chiine chivimbo chikuru chokuti chicharwa semvumba apo chiri kupinda mumutambo weCOSAFA Women’s Championship. Chine vatambi vechidiki pachiri…

Handisati ndapera: Kangwa

Tadious Manyepo ari kuLILONGWE, Malawi BRUCE KANGWA anoti kupihwa kwaakaitwa mukana wekuve mutambi wekumberi neaimbove murairidzi weHighlanders, Erol Akbay, makore gumi adarika kwakamupa simba rekushanda nesimba uye kuti ave munhu…

Mbare yatarisana nedambudziko retsikidzi zvakare 

Mirirai Nsingo VAGARI vekuMatererini neMatapi Flats kuMbare, muHarare vatarisana zvakare nedambudziko rekurumwa netsikidzi. Vamwe vakaitwa hurukuro navo vanoti havazi kurara usiku nekuda kwekurumwa netsikidzi. Vanoti huwandu hwetsikidzi idzi huri kuwedzera…

Hurumende, vatsigiri vobatsira vanasikana nezvekushandisa panguva yekutevera

Muchaneta Chimuka HURUMENDE, kuburikidza nebazi redzidzo yepurayimari nesekondari rakabatana nemasangano anotsigira dzidzo, yakaparura chirongwa cheMenstrual Health Management Networking chekubatsira vanasikana vanosvika 1,6 miriyoni muzvikoro nemidziyo yekushandisa panguva yekutevera. Masangano ari…

‘Chijana chekuuraya munhu kuti tidye chave kumba kwangu’

Kingstone Mapupu MUDZIMAI wekuHurungwe anoti aneta nekuroya nekudaro haachazvidi sezvo zviri kumutambudza uye pari zvino ndiye ave nechijana chekuti auraye hama yake yepedyo kuti vagozodya nyama yacho nevamwe varoyi. Mudzimai…

Sabhuku abatikidzwa achishinha nechirikadzi mubhedhuru mayo

Lovemore Kadzura SABHUKU Mazarura wekudunhu raMambo Saunyama, kuNyanga akabatwa nemhosva yehupombwe mudare rashe veko mushure mekubatikidzwa achishinha nemudzimai anove chirikadzi uyo achiri kugara pamba pemurume wake pamwe chete nekuchengetwa nehama…

Vapata musha nekudirwa jecha rinobva mumhepo kumeso

Kingstone Mapupu MHURI inobva kwaSabhuku Makuva kudunhu raMambo Nyakunhuwa kuZaka, kuMasvingo yapata musha nekuda kwemasaramusi anosanganisira kudirwa jecha nekutemwa nematombo izvo zvinongobva mumhepo. Izvi zvakaona vemhuri iyi vachitamira kuChiredzi, kuTriangle…

×