Basa revanhu vaMwari mungano

Munyaradzi Gunduza NGANO dzaivepo kuchengetedza vanhu vaMwari, tsigira pfungwa iyi nengano shanu dzinobva mubhuku iri. [25] Mungano vanhu vaMwari zvinoreva vanhu vanotarisirwa pasi vakaita sezvirema, mapofu, chembere, harahwa pamwe chete…

‘Baba vaye vatanga . . .’

Nyasha Bvudzijena MURUME samusha wekuDomboshava uyo ane barika revakadzi anoti ari kuoneswa ndondo nemudzimai wake mukuru uyo ane shanje dzinobvira moto zvekuti pose paanoda kuenda kumba kwanyachide, anoshevedzera kuvavakidzani achiti,…

Kutsemukira Jesu kuti tsemu, tsemu

Ignatius Mabasa ICHOKWADI vanhu vakangoziva kuti hausi muroyi vanodheerera. Vanhu vanokutsemukira kuti tsemu, tsemu, tsemu. Paye Enzo wakapotsa waparidza nechimbo chako. Jesu anotarisa vanhu vaakasika obva atoona vakasasika tsika nehunhu…

Mbudzi yakanamira kumusana kwetsotsi

Gibson Mhaka MBAVHA yemakoko yekwaNdanga, kudunhu reZaka, kuMasvingo, yakabatwa nenzira inoshamisa apo mbudzi yayakange yaba yakanamira kumusana kwayo zvikazoita kuti inozvipira kumuridzi wayo. Vagari vemumusha waChikondori vakasara vasina neremuromo apo…

Vodzidziswa kutyaira magiredha

Kingstone Mapupu IMWE kambani yakaparura chirongwa chekudzidzisa vana vechikoro vari kumatunhu ose enyika kutyaira michina inosanganisira magiredha, makatapira nematarakita nechinangwa chekusimudzira matarenda avo zvinova zvinoenderana negwaro redzidzo reNew Curriculum iro…

Mamiriro akaita kunze

KUNZE kunotarisirwa kunge kuine zuva uye kuchipisa zvikuru munyika yose kubva nemusi weChitatu. Kunyangwe zvazvo kugadzirira minda kwakakosha panguva ino, avo vanoshandira pamhene nevamwe vanenge vachiita zvakasiyana vanokurudzirwa kuti vagare…

Zimpapers Cancer Walk yasvika

Rudo Muchedzi KAMBANI huru munyaya dzezvenhau munyika muno, yeZimpapers – ichishanda nesangano reIsland Hospice and Healthcare – iri kukoka ruzhinji kuchirongwa chegore rino cheAnnual Cancer Power Walk apo vanhu vachafamba…

Okikwa sebhora nemurume

Courtney Munodawafa MUMWE mudzimai anoti anzwa nekugara achirohwa nemurume wake uyo anomuita “bhora rake” uye akamudzinga pamba pamwe chete nevana izvo zvave kuita kuti vagare pamhene. Agness Kawina akamhan’arira Mohamed…

Voitira tsvina mumigomo mudhorobha

Muchaneta Chimuka PAKATI pedhorobha reChitungwiza, vamwe vanhu vave kuitira tsvina neweti yavo mumigomo nemuzvikweshe vozoishapudzira kurasa panze nepamahwindo nechikonzero chekuti zvimbuzi zveko zvava nechipo chemakore mashanu zvisingashande. Izvi ndizvo zviri…

Mari itsva yauya

Africa Moyo MARI itsva yema$2 bond esimbi ichatanga kushandiswa neveruzhinji kutanga nemusi weMuvhuro uri kutevera. Izvi zvakaziviswa naGovernor vebhengi renyika reReserve Bank of Zimbabwe, Dr John Mangudya, kuburikidza nechinyorwa chakabva…

×