‘Musanyanye kufamba manheru panguva yezororo’
Bongani Ndlovu MUKURU-MUKURU wemapurisa, Commissioner-General Stephen Mutamba, vanokurudzira vatyairi vedzimotokari kuti vasanyanye kufamba manheru panguva yezororo, vachiyambira kuti zvinoshungurudza kuti tsaona dzine chitsama dzinoitika munguva dzeusiku nekuda kwekuti vamwe vatyairi…
Madzibaba vakanda nyoka, ndokutsotsa maneja webhanga US$3 000, Toyota Hilux neToyota Aqua
Danisa Masuku MUMWE murume anozviti muporofita, Madzibaba Lenon Chidarikire (44), uyo anonzi akaita nyoka dzekuisira pamba pemumwe mudzimai aimbove maneja werimwe bhanga uye ndokuzomutsotsa US$3 000, motokari mbiri kusanganisira Toyota…
Murume (43) afa abaiwa nebanga pamagirosa
Muchaneta Chimuka VAGARI vekuMkoba, kuGweru, vari kuita muonerapamwe nemapurisa mukuferefetwa kwenyaya yeumhondi yakaitika paMkoba 6 Shopping Centre, apo murume ane makore 43 okuberekwa akabaiwa nebanga ndokufa, mupari wemhosva iyi achibva…
‘MaWarriors sungai dzisimbe’
Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chichasimuka nemusi weChipiri svondo rinotevera chakananga kuMorocco kunokwikwidza kumutambo we2025 Africa Cup of Nations (AFCON). Kumutambo uyu, chikwata chaMarian “Mario” Marinica chakaiswa muboka rechipiri,…
‘Vabereki simudzirai matarenda evana’
Abel Ndooka VABEREKI vokurudzirwa kuti vape vana vavo mikana yekuita mitambo yakasiyana-siyana nechinangwa chekusimudzira matarenda avo sezvo vamwe vanokwanisa kuzorarama kuburikidza nawo mune ramangwana. Kurudziro iyi yakabva kuna chamangwiza weFriendly…
Muimbi mukuru wesungura Zakaria ashaya
Munyori weKwayedza MUIMBI wesungura ane mukurumbira Nicholas Zakaria ashaya. Mhuri yake yazivisa nezverufu rwaZakaria, uyo vazhinji vaiziva nezita rokuti Madzibaba kana kuti Senior Lecturer. “Tine kurwadziwa kukuru kukuzivisai nezvekushaya kwaNicholas…
Macheso oshoropodza vatyairi vasina hanyn’a pamugwagwa
Trust Khosa SHASHA yemusambo wesungura Alick Macheso anokurudzira vatyairi vedzimotokari kuti vatevedze mitemo yemumigwagwa, achisimbisisa kuti nguva yezororo reKisimusi haisi itsva sezvo yagara ichingouya uye ichidarika gore negore. Muimbi ane…
Tezvara onzi adzosere mukuwasha pfuma yeroora . . . vakarambira nemwanasikana wavo kwemakore anodarika 20
Lovemore Kadzura IMWE mhuri yekwaMakoni, mudunhu reManicaland, yakanzi nedare ramambo weko idzosere mukuwasha mari yose yaainge abvisa seroora mushure mekutadza kuendesa mwanasikana wavo kumurume zvisinei nokuti ainge aroorwa makore anoda…











