GRADE 7: Vana vemhuka

Ticha Danga MUCHIMWE chikamu chakapfuura, takambotarisa vana vemhuka dzinopfuyiwa pamusha asi handina kunge ndabata dzose. Naizvozvo ndichangoti batei shoma dzakasara ndozonyatsopinda mune dzemugwindingwi. Garakuni rinochengetwa pamusha apo rinodyiwa zvose nyama nemazai. Garakuni…

MAONERO EDU: Hazvidi kuromba, asi kushanda

SVONDO rino tine nyaya yemumwe musharukwa, uyu anoti anotengesa zvidhoma, zvikwambo, sandawana nemimwe mishonga inokuvadza kune vanozvida, kusanganisira avo vanenge vachida kuzvishandisa kuuraya vamwe vanhu kana kupfuma. Chinoshamisa ndechekuti n’anga iyi…

Nemiwo mabvuma kuti muporofita?

naIgnatius Mabasa INI ndakambonamata nemumwe mupositori aipa tsananguro nekubatsira vanhu zvekuti waiti Mwari vanesu chokwadi. Asi rimwe zuva mudzimu waaishandisa wakabuda ari pakati pekushandira uchiti wakanga waneta nekushandiswa kumasowe asi…

Uchanhonga nezvakarasirirwa

VAZUKURU nhasi handisi kupindura mubvunzo, asi ndinotaura nenyaya yekungonhonga zvinhu zvakaita semari, mbatya, midziyo kana chipi zvacho chinhu chaunenge wangoona. Kazhinji vanhu tinopinda mumatambudziko nenyaya yekunhonga zvinhu zvakaita semari yeunofunga kuti…

Sadza ‘rinofamba’ nederere

DERERE rechipudzi “rinofamba” zvikuru nesadza zvekuti munhu anozokaruka apedza mukonde nenguva isipi, anakirwa. VaGibson Mlambo vekuSunningdle 2, muHarare, vanodonongodza mabikirwo akanaka ederere iri. ZVINODIWA: Derere rechipudzi, chikari kana poto yakachena, munyu,…

Mbavha yakaruma mupurisa

Muchaneta Chimuka MURUME wechidiki wekwaSeke anonzi akaruma mupurisa ndokumutunga nemusoro mushure mekunge mapurisa aenda kumba kwake vachida kunomusunga nemhosva yekupaza imba nekuba. Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates Courts, Takunda Mutetwa, akati Trevor…

Toure, Bony, Mangala votengeswa

MANCHESTER City iri kuedza nepainogona kutengesa vatambi vayo vatatu mwedzi uno kuti ikwanise kutenga vamwe vatsva. Pep Guardiola anoda kutenga mubati wepagedhi weBarcelona, Claudio Bravo, uye zviri kuzivikanwa kuti mutambi uyu…

A-LEVEL —MASIMBA: Vanodzidziswa tsika, utsanana

Ticha Tichaziva “PEPUKA” naBarbara Makhalisa (147-154) Nyaya yacho (Enderero mberi): Kwakatangwa nemitambo yevadiki vasati vave kudzidza zvemabhuku, pakaitwa mutambo wekuverenga wainzi “Tsoko Shanu” vabereki vakakatyamadzwa nezvavakaona. KaBhayana kakazoyemurwa katamba rwiyo.…

Musatore zvinodhaka: SRC

Abel Ndooka SANGANO reSports and Recreation Commission rokurudzira vatambi vakasiyana vari kukwikwidza kumaNational Youths Games kuChinhoyi kuti vasatore zvinodhaka zvisingatenderwi sezvo iyi iri mhosva uye zvichikanganisawo budiriro yamatarenda avo. Mitambo yemaNational…

Zvekuita kumunhu anwa muchetura

Muchaneta Chimuka KUNE nzira dzakawanda dzinoita kuti muchetura unge uchipinda mumuviri wemunhu. Muchetura unogona kupinda mumunhu nemukanwa kana kuufema kana ndokunge uri mweya. Michetura mizhinji inokurudzirwa kuti inge ichigara kure nevana sezvakaita…