Vatambi 200 veKarate votiburana

Abel Ndooka KUCHANGE kusingadanwe anonzwa kuCity Sports Centre muHarare kutanga nemusi weChishanu chino kusvika musi weSvondo apo shasha dzeKarate dzinodarika 200 dzicharwira kuti dzigosimudzirwa mabhande emutambo uyu (grading). Mutambo uyu…

Mhuri yorumwa, kutemerwa nyora nezvisingaonekwe

Kingstone Mapupu MUNYAYA inota sebhaisikopo kana kuti firimu, mhuri inogara kuParkrage kuKuwadzana Extension, muHarare inoti yaoneswa pfumvu nekurumwa nezvinhu zvisingaonekwi, kuchekwa-chekwa muviri nemapanga anobva mumhepo uye nekutemerwa nyora nereza dzisingaonekwe…

Mudzimai atema munda wose wechibage abatikidza murume achishinha

MUDZIMAI wekuDedza, kunyika yeMalawi akatema chibage chose chaive mumunda wavo mushure mekubatikidza murume wake achishinha nemumwe mukadzi pakati pemunda uyu. Izvi zvakaitika apo mudzimai uyu akaenda kunotsvaga muriwo kumunda kwavo…

Murume arikitwa nemudzimai amupa US$7 yekushandisa pamwedzi

Chipo Mukorama MUMWE murume anoti akarohwa nemudzimai wake wechipiri mushure mekunge amupa US$7 yekuti ashandise kutenga chikafu kwemwedzi wose. Tafadzwa Madzima anoti akapa mukadzi wake mukuru (vahosi) mari yakawanda kubva…

Murume apondwa achinzi imbavha

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kufeya nyaya yemurume akafa mushure mekurohwa zvakaipisisa neveruzhinji nechamboko pamwe nezvibhakera kuKuwadzana, muHarare zvichitevera kuwanikwa kwaakaitwa aine masimbi aakange aba pane imwe…

Chabvondoka muPSL

Abel Ndooka MWAKA wenhabvu weCastle Lager Premier Soccer League wa2025 uchatanga nemusi weChishanu svondo rino apo vakomana vatsva veScottland FC vachatatsurana neTriangle United. Svondo radarika, Dynamos yakasangana neSimba Bhora mumutambo…

MaChevrons onyora nhoroondo

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons chichaenda kuTrent Bridge, kunyika yeEngland munaChivabvu kunotamba mutambo mumwechete weTest Match nemaThree Lions. MaChevrons akapedzisira kuenda kunotamba nechikwata cheEngland mugore ra2003. Mutambo uyu wakagamuchirwa…

Kuwadzana Area Zone Soccer League yotanga

Abel Ndooka MWAKA mutsva weKuwadzana Area Zone Soccer League uchatanga musi wa9 Kurume uye uchaona zvikwata 20 zvichikwikwidza. Sachigaro weligi iri – Karen Rambai Mbisvi – uyo anonyanya kuzivikanwa saSir…

Madhamu makuru ave nemvura yakawanda

Munyori weKwayedza MADHAMU makuru emuZimbabwe ari kuramba achiwana mvura yakawanda iyo yawedzera kusvika pachikamu chepakati nepakati che85,8 percent kuti azare zvichitevera mvura zhinji iri kunaya kumativi mana enyika. Magwaro achangobva…

‘Tarisiro yegoho rakanaka iripo’

Munyori weKwayedza HURUMENDE yakazivisa nezveongororo yekutanga yakaitwa maringe nenyaya dzekurima mwaka uno apo paine tarisiro yekuti Zimbabwe inogona kuwana goho rakanaka. Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri chino mushure mekupera kwemusangano…

×
×