Hwindi ngaabve pa‘rank’

Izvi zvinotevera kubuda kwenyaya yekurwiswa nekubirwa mari kwemunyori weKwayedza, Kingstone Mapupu, nematsotsi emahwindi kuMbare Msika svondo rapera pamberi.VANHU vakawanda vanoti vanoshamisika kuti sei dambudziko rekushungurudzwa kwevafambi vanokwira mabhazi nemakombi nemahwindi…

Akapotsa afira $4

Vivian Mary Mashanda (32) wepanhamba 3402 Manyame Park, akamhan’arira murume wake, Tawanda Magonyo (35) kudare reChitungwiza Magistrates’ Courts achiti anogara achimurova.MUDZIMAI wechidiki wekuChitungwiza akapotsa asiya nyemba nekuda kwe$4 iyo yaanonzi…

Zvekusona zviri muropa: Vambe

. ‘Hapana chinotadzisa munhukadzi’ Muchaneta Chimuka MAI Rosemary Vambe (42), avo vane mukurumbira wekusona mbatya dzeAfrican Attire, vanoti hapana chinotadzisa vanhukadzi kubudirira mumabhindauko akasiyana kana vakashanda nesimba pamwe nekuwana rutsigirwo…

ZFC yagadzirira mwaka unotevera

KAMBANI yeZFC Limited inoti yakapedza kuvandudza michina yayo miviri inoshandisiswa mukugadzira fetereza uye yave kugadzira fetereza yemwaka unotevera. Fetereza yemwaka wemuchando yakatogadzirwa kare pamwe nekuendeswa kumativi mana enyika kuitira kuti varimi…

Zvikwata zvosangana muCopa Coca-cola Provincials

KUCHANGE kusingadanwe anonzwa kumapurovhinzi ose emunyika uko zvikwata kubva kuzvikoro zvakasiyana zvichabandana mumutambo weCopa Coca-Cola Provincial Finals nemusi weChishanu.

Mahwani emushikashika werudo

IMBWA HAIHUKURE SADZA PANE rudo rwunotyisa. Rudo rwakafanana nekuisa nyoka yechiva chekuchiva muhomwe. Rudo rwekutsvoda mukanwa merovambira makasviba kunge mukati mehari iri muninga munguva yehusiku hweZhizha.

Akarohwa mimba ikabva

Esau Hokonya  ari kuGWERU MUSIKANA wekuGweru ane makore 27 okuberekwa akabva pamuviri mushure mekunge arohwa zvakaipisisa nemudzimai wababa vake. Rosemary Chirume (27) anogara panhamba 2224 kuMkoba 14, anobvuma mhosva yekurova Veller…

Musashungurudze vakadzi vakafirwa: Chikukwa

VERUZHINJI vanokurudzirwa kuti vasambunyikidze shirikadzi nenzira dzakaita sekuvatorera upfumi hwavanenge vasiirwa nevarume vavo kana kuvamanikidza kuti vagarwe nhaka.Kurudziro iyi yakaitwa nguva pfupi yadarika negurukota reHurumende rinomirira dunhu reHarare, Cde Mirriam…

Akarohwa abvunza murume

NYAYA yekubvunza murume chikonzero chakaita kuti adzoke kumba munguva yehusiku yakaparira mumwe mukadzi wekuChitungwiza zvichitevera kurohwa kwaakaitwa kunge nyoka yapinda mumba.Jullia Dzenga (36) wepanhamba 3705 Unit F, akazvindikitwa naTsaurai Chatambudza…

Oda kuita amai mukadzi

MWANAKOMANA wekupinda nemwenje mudziva ndokuudza amai vakamutumbura kuti kana vakadzinga mudzimai wake pamba achasara achivaita mukadzi obva azviuraya pamwe chete nevana vake akamiswa mudare redzimhosva.

×