Novatek yochengeta huku dzechivanhu
KAMBANI ine mukurumbira mukuchengeta huku yeNovatek yovandudza mabasa ayo kuburikidza nechirongwa chekupfuya huku dzechivanhu idzo dzinodaidzwa kunzi Boschveld Road Runner.
Kutanga kwehondo yeChimurenga
Muma‘industry’, vanhu vatema vakange vasingaonekwi kuti vanhu vanokwanisa kuve nepfungwa dzavo. Taingotorwa navaRungu kuti pfungwa dzedu ndedzemhuka.
KuBarcelona ndokwangu: Messi
LIONEL Messi anoti haasi kuzofa akatambira nhabvu muPremier League uye hupenyu hwake hwese acharamba achitambira Barcelona chete. Mutambi uyu, uyo ane makore 28 okuberekwa anove chizvarwa chekuArgentina,
Chitunha chekugara mupepabhegi, pasi pemubhedha chakazovigwa
MUTUMBI wemwana wemhuri inoshanda papurazi riri kuHeadlands, kuManicaland, uyo waigariswa pasi pemubhedha mushure mekunge vaufukunuriswa nemuridzi wepapurazi achiti pavakaviga mwana uyu hapakodzere
‘Waparadza musha nemakuhwa iwe’
Nyasha Chabvonga MURUME wekuendeswa kudare nemukadzi wake achinzi haazi kuchengeta mhuri yake nekuda kweshamwarikadzi anoti mudzimai uyu anoterera makuhwa izvo zvange zvave kuputsa imba yavo.
– Mutupo – Shumba Mhazi
Maita Shumba, Zvaitwa Mhazi, Mhondi inopondera pasina gwenzi. Hekanhi Mukanyairi, Maita vakuru vamasango, Vanovhundutsa vamwe nomukanya uri muzenze, Vamadzvovera, Vabanduri vamapfupa. Vana meso anozezesa kuringa, Mukakatira kwasviba, Vapondi vezvipenyu zvinozvifambira.…
Duramazwi: KACHEMBEREBANDE
Uyu munhukadzi akwegura wemanyepo, anonzi anojajadura nemazino ake marefu, uye anongotaurwa nezvake kuitira kutyisidzira vana vadiki vanenge vachinetsa.
Hakuna ari kudzingwa basa: Utete-Masango
HURUMENDE inoti vashandi vemuzvikoro avo vari kubhadharwa mari nemasangano anomirira vabereki emaSchool Development Committee (SDC) havasi kuzorasikirwa nemabasa avo.
Gakava remba rakora muto
NYAYA iya yevakadzi vaviri vekuDzivarasekwa Extension, muHarare, avo vari kurwira imba yavari kuti vose ndeyavo, yakwira mutanda.
Bhudhi voburitsira sisi banga
Yvonne Chidochashe Manyanja MUKADZI wekubatirwa banga nehanzvadzi yake mushure mekunetsana pamusoro pemba yakasiiwa nevabereki vavo akazotizira kudare.





