Tinoda mukombe: Chiyangwa
MUTUNGAMIRIRI wesangano reZimbabwe Football Association, Phillip Chiyangwa, svondo rino akakurudzira nyika yose kuti ibatane mukutsigira chikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors kuti chinokunda kumutambo weAfrican
Zvekuita munguva yekupisa
PANGUVA iyo nyika iri kusangana nekupisa kwakanyanya, apo dzimwe nhambo kunze kuri kupisa zvekusvika pa43 degrees celsius, veruzhinji vanokurudzirwa kutora matanho anoita kuti vasabatwe nezvirwere zvinokonzerwa
MAONERO EDU: Marara pose-pose hazvina hunhu
SVONDO rino bepanhau renyu reKwayedza ratanga chimwe chirongwa chitsva chakananga kukurudzira kuchengetedzwa kwenharaunda dzakachena. Chirongwa ichi chakananga kukurudzira veruzhinji, kusanganisira
Vana vechikoro vakachiona. . . Vamwe vakadzoswa kudzimba . . . Vamwe ndokusiiwa nemabhazi
CHAINGOVA chipatapata pazviteshi zvinokwirirwa mabhazi nyika yose neMuvhuro apo vana vanodzidza kumabhodhingi vaidzokera kuzvikoro izvo zvakavhurwa nemusi weChipiri svondo rino.
Muringazuva akachekwa zinyama
MUKADZI uye wekuMuzarabani, uyo ange achitambudzwa nezinyama rakangomera pachidya chake iro raanoti rakatanga kari kabundu, akazonobviswa zinyama iri kuchipatara.
Kurima maringazuva nemazvo
Mudhumeni Mukuru Ivan Craig ZVAITAURWA nevanoona nezvemamiriro ekunze, Meteorological Department zvava kubuda pachena, kunzvimbo zhinji dzandafamba ndiri kuona chibage chichine uupenyu zvekuti mvura ikanaya, varimi vanokwanisa kukohwa.
Mazitombo 2 akafamba l Zvava kuda chivanhu: Mambo
KUDUNHU raMambo Chihota kunonzi kwakaitika manenji munguva pfupi yadarika apo mazitombo maviri, akakura zvekukura zviya, akafamba kubva panzvimbo paaiva kwechinhabwe uye rimwe racho rakaonekwa rakadhindika tsoka
Shasha dzenhabvu dzorangarirwa
SHASHA dzakaita mukurumbira munhabvu munyika ino nemuAfrica dzicharangarirwa nemutambo uyo uchaona dzimwe shangwiti dzebhora dzichitamba mumakwishu eZimbabwe Legends neAfrican Legends mwedzi unotevera
Vakaremara vowaniswa mikana
SANGANO rakazvimirira reGreen Light International Trust (GLIT) rinoti gore rino richawedzera rubatsiro rwarinopa kune vakaremara mitezo nedonzvo rekuti vakwanise kuratidza zvipo zvavainazvo.
Novatek yochengeta huku dzechivanhu
KAMBANI ine mukurumbira mukuchengeta huku yeNovatek yovandudza mabasa ayo kuburikidza nechirongwa chekupfuya huku dzechivanhu idzo dzinodaidzwa kunzi Boschveld Road Runner.











