Varimi vofarira kunaya kwemvura
VAMWE varimi vemuguta reHarare vakatambira nemufaro mukuru kunaya kuri kuita mvura sezvo zvirimwa zvavo zvakange zvave kukanganisika nekuda kwezuva iro raive ranyanya kupisa nguva yadarika.
‘Ndakanzi ‘hallo’ nechipoko’
MUKADZI wekuWaterfalls, muHarare, akarohwa nehana zvikuru nguva pfupi yadarika apo akasangana nechipoko chemunhu ainge achangobva mukuvigwa munzvimbo yavo icho chakange chakadengezera gonhi rekuvharisa pamba
Muridzi wemba panze, Roja richigara mumba
VAKADZI vaviri vekuDzivarasekwa Extension, muHarare, avo vose vanove nhengo dzeimwe co-operative inovakira veruzhinji dzimba, vatsvukisirana maziso vachirwira imba yavanoti vose ndeyavo.
Shanduko yeGrade 7: Vabereki, vana votaura
VABEREKI nevadzidzi vanogashira zvakasiyana danho rakatorwa nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari rekuti zvidzidzo zviri kunyorwa pabvunzo dzeGrade 7 dzeZimbabwe School Examinations Council zviwedzerwe kubva
Zrp yotsigira ZimAsset l Yakavakisa nzvimbo yekutandarira
MAPURISA eZimbabwe Republic Police ari kushanda nesimba mukutsigira chirongwa chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZimbabwe Agenda for Sustainable Socio-Economic Transformation (Zim-Asset), kuburikidza nekuita
Mufundisi odzoka mukarate
SHASHA yemutambo wekarate, Sensei Tawanda Mufundisi, anoti ari kutarisira kuti kutanga kwegore ra2016 ange ave kukwikwidza mumakwikwi akasiyana zvichitevera kupedza kwaakaita gore rose agara achirapwa gumbo rake.
Mahrez odiwa nezvikwata
ZVICHITEVERA kutanga mwaka mutsva wePremier League vachipisa semoto, mutambi weLeicester City — Riyad Mahrez — ari kudiwa nezvikwata zvakawanda apo pachatanga kutengeswa vatambi muna Ndira.
NBSZ yoita chenjedzo kuruzhinji pakupa ropa
SANGANO reNational Blood Services Zimbabwe rakaparura chirongwa chepadandemutande chakananga kupa veruzhinji ruzivo pamusoro pekupa ropa pamwe nechenjedzo yakasiyana maringe nekuchengetedza utano hwavo.
Vakakandirwa chitunha pamubhedha
Muchaneta Chimuka naDaphne Machiri MAPURISA ekuChitungwiza akatozopindira mukupedza zhowe-zhowe apo mumwe mukadzi chembere anoroja ikoko ainge orikitwa kurohwa nemuridzi wemba ndokuzosiya akandirwa chitunha chemwana ainge achangofa asina kurwara
Kusandura mbesa kunobatsira kuvandudza ivhu
VARIMI vakakurudzirwa kuti vasarambe vachirima mbesa dzimwe chete mumunda gore negore asi kuti vadzisandure sezvo izvi zvichibatsira mukuvandudza pamwe nekusimbisa ivhu.











