Batai munhu: Zwla
Munyori weKwayedza SANGANO rinomirira kodzero dzevanhukadzi, reZimbabwe Women’s Lawyers Association (ZWLA), rinoti munhu akapa pamuviri kasikana kane makore 15 okuberekwa kekuDomboshava anofanirwa kusungwa, oendeswa kumatare edzimhosva. Izvi zvinotevera nyaya yemusikana anonzi…
Amai vakatiza kasvava
Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekwaSeke wekutiza kasvava kane mwedzi gumi yekuzvarwa kwesvondo rose izvo zvakaita kuti kange kachirasikirwa nenguva yekuyamwa akatongerwa kunofondoka pasina muripo nedare reChitungwiza Magistrates’ Courts. Josphine Mahungua (29) wekubhuku…
Nhoroondo yenyika ine dzidziso!
GORE rave kupera kudai, bato rinotonga reZanu-PF rakaita musangano waro kuVictoria Falls svondo rapfuura. Vamwe vakange vachiti kumakubu kasva, nokuti kwenguva yakati kuti mubato riri kutonga zvinoratidza kunge pasina kusanyatsobatana.…
Ndizvo zviri kundishaisa mbereko here?
MAKASIMBA here Tete Chipangamazano? Ndiri mukadzi ane makore 27 ekuberekwa, ndakawanikwa asi handisati ndave nemwana. Dambudziko rangu nderekuti kana ndasvika nguva yangu yepamwedzi ndinoita mavhiki matatu akakwana. Ndambofamba kwakawanda kuti…
Kuti usarohwe nemheni
MHENI inogona kuitika zvichikonzerwa nesimba rakafanana neremagetsi iro rinoitika mudenga munenge makakwidibirwa nemakore. Zvakakosha kuziva:
Akarumwa vachirwira murume
Nyasha Chabvonga VAKADZI vaviri vekuEpworth vekugara vachirwa nekupopotedzana nenyaya yemurume vakapedzisira vasvitsana kumatare edzimhosva. Gamuchirai Wenhamo akaenda kudare reHarare Civil Court achiti Dorcas Foroma anomushungurudza achimupomera kudanana nemurume wake, kumurova pamwe…
Gadziriro dzechan dzotanga muno
Abel Ndooka CHIKWATA chenhabvu chenyika chemaWarriors chakapinda mukembi svondo rino umo chakatanga kuita gadziriro dzemutambo weAfrican Nations Championships (CHAN) uchatambirwa kuRwanda munaNdira gore rinotevera. Aka ndekechina maWarriors achibudirira kuenda kumutambo uyu. Mumutambo…
TARENDA RIZERE: PETER‘. . . asi mari yauraya nhabvu’
PETER Ndlovu — muchinda wekumbonetsa munhabvu achitambira Highlanders, chikwata chenyika chemaWarriors, nezvimwe zvikwata zvekuEngland nekuSouth Afriva — anoti nhabvu yemazuva ano yave kutongwa nemari izvo zviri
Mourinho ngaasadzingwa: Ferguson
SIR Alex Ferguson anoti Chelsea inenge yakanganisa zvikuru kana ikadzinga Jose Mourinho basa uyo waakati mumwe wevarairidzi venhabvu vemhando yepamusoro.
Vana votongwa nenyika mbiri
HUNHU hwavana hwataika, hwadyiwa nembwa. Nokuti takabvuma kodzero dzinoti kana mwana asvitsa makore gumi namasere anenge chave chigondora, zvokuti kutadza kutunga hurema hwacho.



