Vahosi nanyachide vaburana
Kudakwashe Chinokuya VAHOSI nanyachide vakatosvorana nekuda kweshanje dzekurwira murume zvakazoita kuti daka ravo iri risvike kumatare edzimhosva.
Kuparwa kwemhosva bodo: Shambare
MUKURU wemapurisa anoona nezvekurwiswa kwekuparwa kwemhosva, Deputy Commissioner-General Josephine Shambare, vanoti vari kushushikana zvikuru nehuwandu hwemhosva dziri kuparwa dzakaita sevanoba vakapakata
Tsigirai vanyori vemuno: Dokora
BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari riri kushanda nesangano reZimbabwe International Book Fair (ZIBF) mukunyorwa kwemabhuku pachishandiswa mitauro yose 16 yemunyika muno iyo inocherechedzwa mubumbiro
‘Kana uchida vana wotoita nechikomba’
MUKADZI wekuendesa aimbova murume wake kudare achida mvumo yekupihwa vana akaoma mate mukanwa apo akanzi akange atiza vana ava kanokwana kanhatatu achienda nezvikomba zvake.
Ndaive ndisina mufaro: Nolan
KEVIN Nolan anoti akange asisina mufaro mumazuva ake ekupedzisira kuWest Ham apo mutambi uyu aitsvaga chimwe chikwata chekutambira zvichitevera kubva kwaakaita kuUpton Park mwedzi wadarika.
Murume pfacha mukadzi achisasana nechikomba
Kudakwashe Chinokuya MURUME wekuendeswa kudare nemudzimai wake achiti ari kumushungurudza akati mukadzi uyu haachamuda nekuti akamubata nechikomba.
Mufundisi akatiza mhuri
Mathew Masinge MUFUNDISI wekuendeswa kudare nemudzimai wake achipomerwa mhosva yekusariritira mhuri akazoshaikwa panguva iyo nyaya yavo yakange yopinda mudariro kunyangwe zvazvo akambenge aonekwa aripo.
Mutupo: Moyo sinyoro
Maita Sinyoro, Zvaitwa Muroro, Vagari vamachira, VaZungu vamachira machena, Vakauya nomumvura Kuzoshambadza ndoro nendarira. Kuziva zvenyu vashambadzi, Maita zvenyu vezviuya zvinenge mukaka, Unodyiwa navasina meno. Tatenda vadyi vamazai, Vamupfurura magidi,…
Petr Cech oona tarenda
PETR Cech anoti ari kuona tarenda rinodadisa riri muvatambi veArsenal kubvira paakatengwa nechikwata ichi. Chizvarwa chekuCzech Republic ichi chiri kurakidza hunyanzvi hwacho zvichitevera kuenda kwachakaita
Akaroverwa kuzvara mwana ane ‘maziwoko’
RIMWE sangano rakazvimirira, reSafety Shelter for Survivors of Gender Based Violence, riri kubatana nebazi rinoona nezvevanhukadzi nekuenzaniswa kwemikana mukurwisa mhirizhonga kuvanhukadzi, zvikuru yemudzimba.

