— Ziva —BHAIBHERI
UNOZVIZIVA here kuti Bhaibheri rine mabhuku makumi matanhatu nematanhatu (66). Mabhuku eBhaibheri akanyorwa mumitauro yechiHebheru (Hebrew), Aramaiki (Aramaic) kana chiGiriki (Greek).
Musikana wekumera hohwa ava nemwana
MUSIKANA wechidiki wemuHarare, uyo wekubuda muKwayedza masvondo maviri adarika achipupura kuti anoita zvechipfambi izvo zvava kuita kuti amere zvinhu zvinenge hohwa kusikarudzi yake mushure mekunge ashinha
Ospina orwira chinzvimbo chake
ARSENE Wenger anoti David Ospina akazvipira kurwira kuve mubati wepagedhi weArsenal wekutanga. Ospina, uyo anove chizvarwa chekuColombia, agara ari muchikwata ichi kubva mwaka wadarika muPremier League uye ange ari
O-LEVEL — NDIKO KUSASANA: Mugadzi naSekai havachataudzana
CHITSAUKO 3 (Ongororo: Enderero mberi) Ko Mugadzi aigozoenda nepapi akagarirwa uku neuku “kunge mombe iri kupinda mudhibhi?” (35). Vaviri ava apa rudo pakati pavo runenge rwava kubvira, vanoonekwa vachitsvodana “kunge…
Guinea kumakata. . . maWarriors vamirira kurwa
CHIKWATA chenhabvu chenyika chemaWarriors chine gomo guru rekukwira apo chichasangana necheGuinea kunhandare yeRufaro, muHarare, mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi eAfrican Cup of Nations 2017
‘TB yakawanda mumigodhi’
VASHANDI vemumigodhi, kusanganisira makorokoza, vane mikana yakakura yekubatwa nechirwere cherurindi (TB) nekuda kwenzvimbo dzavanoshandira idzo dzine huruva nemishonga inokuvadza.
Muzvinhabhizimisi osimudzira kurima
MABASA ekurima neimwewo budiriro zvinotarisirwa kusimukira zvikuru kudunhu reMhondoro zvichitevera rubatsiro rwemumwe muzvinabhizimisi anova chizvarwa cheko uyo ari kucheresa zvibhorani pamwe nekuvandudza
‘NeTsuro unokohwa pakuru’
KAMBANI ine mukurumbira munyika muno wekuuchika mbeu dzezvirimwa zvakasiyana yeSeed Co yokurudzira varimi kuti varime mhando yavo itsva yechibage inodaidzwa kuti 301 Tsuro iyo inonzi inoita zvakanaka kumatunhu
N’anga yava kugadzira mapiritsi
Kudakwashe Chinokuya naKingstone Mapupu IMWE n’anga yemuHarare iri kuvandudza mashandiro ayo zvichitevera kugadzira kwairi kuita mapiritsi akasiyana ichishandisa mishonga yechivanhu. VaFriday Chisanyu vanoti vanogadzira mapiritsi aya nechinangwa chekurerutsira
Kadewere akarangarirwa
CHIKWATA chenhabvu cheAjax Mbare ndicho chakahwina mutambo we2015 Harare Province Junior Football Under 13 League O.Kadewere Trophy uyo wakatambirwa muHarare nguva pfupi yakadarika.







