Ticha akarasika njere arova mwana
MUMWE mukadzi wemuHarare anonzi akatanga kurasika njere mushure mekunge arova mwana wechikoro apo aive mudzidzisi pachimwe chikoro chiri kuBuhera.
Vovhiringwa nemhuka
VAMWE vana vekwaShe Chitsungo, kuMbire, vanonzi vari kusiira chikoro panzira nekuda kwemhuka dzesangano idzo dzarura zvinova zviri kuisa upenyu hwavo panjodzi pakuenda nekudzoka kuchikoro.
Takaburana naGaal: Di Maria
ANGEL Di Maria akabvuma zviri pachena kuti akanetsana naLouis van Gaal panguva yaakambotambira Manchester United uye nemashandiro aiita muDutch uyu izvo zvakamutuma kuti abve kuchikwata ichi.
O-LEVEL — NDIKO KUSASANA: Mumba maMugadzi moitwa mazvake mazvake
CHITSAUKO 3 (Nyaya yacho: Enderero mberi) Mugadzi anoedza kufunga zvekuita ndokugumirwa nepfungwa. Kuti anoti kuna Lily ngaarege kuuya anonyatsozviona kuti hazviiti. Anombozvipa kakugadzikana kwepfungwa apo anoona kuti pachine mazuva akawanda…
Varairidzi 20 000 vachasiya mabasa
VARAIRIDZI vanodarika 20 000 avo vasina kufundira mabasa vangangorasikirwa nemabasa mugore riri kutevera apo Hurumende iri mushishi kuzadzikisa magwaro ekusimbaradza kushanda kwemhando yepamusoro kune fundo
Marondera Yunivhesiti yotangwa
MUTUNGAMIRI wenyika President Mugabe, vakasaina gwaro remutemo reMarondera University of Agricltural Sciences Act, izvo zvichaita kuti yunivhesiti iyi ichitanga.
Imba haichagarikal ‘Kundidyisa muchetura iwe?’ l ‘Iwe ndokundirasira mbatya’
Kudakwashe Chinokuya VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe murume akati mukadzi wake aida kumuuraya zvichitevera kumuisira kwaakaita muchetura muusavi nesadza.
Maticha 663 vakapedza zvidzidzo
VADZIDZI 663 avo vaiita zvidzidzo zvehurairidzi paBelvedere Technical Teachers College, muHarare, nguva pfupi yadarika vakapihwa magwaro ekupedza fundo yavo.
‘Ndichengete, ndiwe wakapika pamuchato’
MUMWE mukadzi akasetsa vanhu vaive mudare apo akati aimbove murume wake anofanira kuramba achimuchengeta kunyangwe vasina vana vose sezvo akapika pavakachata kuti vaizogara pamwe chete kweupenyu
Akatambwa chiHarare
MURUME wemuHarare, uyo pamwe chete neshamwari yake, wekutora vakadzi vaviri vanoita zvechipfambi kuti vanosasana navo, akazozvidemba apo akabirwa $250.




