Musangano mukuru wembesa diki woitwa
Muchaneta Chimuka GADZIRIRO dzemusangano mukuru we13th National Annual Seed Fair wevarimi vembesa dzakasiyana munyika muno nevamwe vachabva kunze kuti vazoratidzira kukosha kwadzo, kunyanya mbesa diki dzinotirira muzuva, dzasvika kwamvura yacheka…
Gororo rabata muvakidzani huruweki . . . ndokumubira Iphone neUS$100
Muchaneta Chimuka CHIREVO chekuti ida muvakidzani wako, sezvinotaurwa mubhaibheri, chakashaya basa zvichitevera nyaya yerimwe gororo rekuChitiungwiza iro rakagarira muvakidzani waro usiku achienda kumba ndokumubata huruweki nekucheka homwe yetirauzi yake nebanga…
Mhuri yotsvaga mwanakomana (12) . . . akangobva pamba manheru
Kingstone Mapupu MHURI inogara mumusha weEast View kuPhase 10 kuGazzebo padyo neTafara muHarare ine kusuruvara kukuru zvichitevera kushaya kwayakaita mwanakomana wayo ane makore gumi nemaviri okuberekwa mukati memasvondo matatu akadarika.…
Mukuwasha, ambuya vorwira zita remwana mucheche
Kingstone Mapupu MURUME ane makore 34 okuberekwa anogara mumusha weBudiriro 1, muHarare uye kumusha achibva kwaSabhuku Mutasa kwaMambo Chipuriro kuGuruve ari kuviruka nehasha zvichitevera kutumidzwa zita kwaanoti kwakaitwa mwanakomana wake…
Amai vakasiya mwana (2) kumutorwa ndokunyangarika
Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 30 okuberekwa anogara kuDonbrook kuChizhanje kuMabvuku, muHarare anoti atambura nekutsvaga amai vemwanasikana waakasiirwa ari chindumurwa mugore ra2023 apo vaishanda vose kumugodhi weJumbo Mine kuMazowe. Amai…
Tsano vaponda mukuwasha nekuda kwenharembozha
Muchaneta Chimuka MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) akasunga murume wekwaSabhuku Kodobo kwaMambo Nhema kuShurugwi nemhosva yekuponda mukuwasha wake achimupomera kurambira nenharembozha yake nemusi weMuvhuro svondo rino. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands,…
‘Kurwisa zvirango zveupfumi kunoda kubatana’
Muchaneta Chimuka SANGANO rinorwira kubviswa kwezvirango zveupfumi, izvo zvakatemerwa Zimbabwe zvisiri pamutemo nedzimwe nyika dzekumavirira, reCitizens Against Economic Sanctions (CAES) rinoti zvakakosha kuti zvizvarwa zvenyika zvibatane uye kutaura nezwi rimwechete…
Mogo Vibes, Lady D vapihwa mibairo yemasitendi
Abel Ndooka VAIMBI veZim-dancehall vari kusimukira vanoti Fortune ‘Mogo Vibes’ Mandishona naDiana ‘Lady D’ Jonasi vakapihwa masitendi ekuvaka dzimba kuDonnybrook muHarare zvichitevera kuhwina kwavakaita kudopiro reHarare Cup Clash. Vaviri ava…
Harahwa (78) yafa yanwa doro rakawandiswa
Muchaneta Chimuka MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vari kuferefeta firo yeimwe harahwa ine makore 78 ekuberekwa yekuGweru iyo yakawanikwa yakafa mushure mekunwa hwahwa uye pane fungidziro huru yekuti rufu urwu…
MAONERO EDU: Chii chapinda mupwere dziri kuzviuraya?
SVONDO rino, tine nyaya inosuwisa yemwanakomana ane makore 12 okuberekwa aigara nevabereki vake kuArcadia Farm, kuBindura, uyo ane mutumbi wakawanikwa wakarembera mumuti. Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi mutumbi uyu wakaonekwa wakarembera…











