Zim yobandana neNew Zealand

Abel Ndooka KUCHANGE kusingadanwi anonzwa musi weChishanu svondo rino kunhandare yeHarare Sports Club apo chikwata chenyika checricket chemaChevrons chichabandana necheNew Zealand chemaBlack Caps mumutambo weT20 Tri-Series, uyo uri kutora nzvimbo…

Shasha dzemarathon dzonomirira nyika kuJapan

Abel Ndooka SHASHA dzemarathon dzinoti Isaac Mpofu, Tendai Zimuto naFortunate Chidzivo ndidzo dzichanomirira Zimbabwe kumujaho mukuru weWorld Championships, uwo uchaitirwa kuTokyo, Japan, muna Gunyana. Vatatu ava vachanomhanya marathon, kwozoti vamwe,…

Zvemimhanzi harisi dambe: Watson

Kingstone Mapupu MUIMBI ari kusimukira, Lucky Watson (34), uyo aimboridza nechikwata cheKhiama Boys, icho chinotungamirirwa naMadzibaba Nicholas Zakaria, anoti ave kuita basa rekutengesa zvinhu zvakasiyana-siyana kuti akwanise kuraramisa mhuri yake…

DeMbare yoenda kumazivandadzoka

Abel Ndooka CHIKWATA cheDynamos FC chiri kuenda kumazivandadzoka nemusi weMugovera uno apo chichasangana necheSimba Bhora kuWadzanayi Stadium, kuShamva. Munguva yadarika, vanhu vazhinji vange vachingobvunza kuti DeMbare remangwana rayo rakamira sei…

‘Madhamu ane mvura yakaringana yekurimisa gorosi’

Muchaneta Chimuka HURUMENDE inoti madhamu ari munyika ane mvura yakakwana yekurima nayo gorosi remuchando uye pane tasiriro huru yekuwana goho rakakura rinosvika matani 600 000. Vachitaura mushure mekumema Mazowe Dam…

Mbavha yemombe yabatwa ichipfodora hope

Muchaneta Chimuka MURUME ane makore 37 okuberekwa wekwaSeke, Givemore Chitope, akamiswa mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts nemhosva yekuba mombe iyo anonzi akauraya uye ndokuzobatikidzwa aine nyama yacho pane mumwe musha apo…

Murume ogara hupenyu hwose mujeri apisira vana 2 mumba

Kingstone Mapupu MURUME wekwaMambo Wasi kuMadabe, kuPlumtree – Tafirei Ndlovu (38) – akatongerwa kugara mujeri kwehupenyu hwose mushure mekubatwa nemhosva yekupisira vana vake vaviri mumba apo akanetsana nemudzimai wake pamusoro…

Mwedzi 44 mujeri aba midziyo inokosha US$2,4k

Muchaneta Chimuka MURUME wekusvikopinda mumuzinda weEcocash Agents kuZvipoto Shops kuUnit O, kuChitungwiza ndokubira madzimai maviri mari nemidziyo inokosha US$2 340 ozvidemba zvichitevera kutongerwa kwaakaitwa kuti agare mujeri kwemwedzi 44 izere.…

Gororo rakasungirwa mhosva 203

Kingstone Mapupu GORORO range rashaisa mufaro vagari vemupurovhinzi yeMasvingo, Tafadzwa Janyure Zimirenyika (29), akasungwa nekuda kwemhosva 203 dzinosanganisira kupaza dzimba nekuba midziyo yakasiyana,  kubata chibharo madzimai pamwe nekuponda. Inspector Kudakwashe Dhewa…

Mutyairi wetekisi apondwa

Kingstone Mapupu MUTYAIRI wetekisi,  Alec Sinoia (42),  wekuChegutu akawanikwa akapondwa svondo rapera mutumbi wake wakarara pamhene  mumugwagwa. Mutauriri wemapurisa kudunhu  reMashonaland West,  Inspector Ian Kohwera, vanoti mutumbi wemurume uyu wakawanikwa…

×
×