Mvura inoda kukosheswa!

KANA uchiri kuti nyaya yokusanaya kwemvura inyaya yeHurumende kana varimi, wakarasika. Nokuti mvura UPENYU hwomunhu wose.

Ongororwa gomarara rechibereko

Catherine Murombedzi GOMARARA rose rikakurumidza kuonekwa nevehutano upenyu hwemunhu hunochengetedzeka. Nguva zhinji gomarara rinoonekwa rasakadza parinenge riri uye rapararira kare zvekuti kazhinji hupenyu hunorasika nyangwe

Malajila orondwa matsimba

MUTAMBI wenhabvu wechidiki ari kusimukira, Obert Malajila (17), uyo anove munin’ina waCuthbert Malajila mutambi wemaWarriors neMamelodi Sundowns yeSouth Africa, anoti anoda kutevera mumatsimba emukoma vake

Nhaka yaramba l ‘Babamudiki handichada nezvenyu’ l ‘Ndibvirepo, uri mukadzi wangu iwe’

Janet Chikotosa NYAKUGARWA nhaka nababamudiki mushure mekufa kwemurume wake akazozvidemba apo akange ave kudzingwa pamba pake nemuramu uyu achida kuti agarepo nemumwe mukadzi.

Gadziriro dzemujaho wewiricheya dzotanga

SHANGWITI dzemujaho wewiricheya dzechikwata cheZimbabwe Wheelchair and Hand Cycling Association dzakatanga gadziriro dzekunokwikwidza kumakwishu eAnnual Outeniqua Wheelchair Challenge, kuGeorge South

Primeseed yosimudzira mbesa diki

KAMBANI ine mukurumbira munyika muno wekuuchika mbeu dzemiriwo nezvimwe zvirimwa zvidiki yePrimeseed yosimudzira mabasa ekurima kumatunhu asinganaye mvura zvakanaka nekuwanisa mbeu inoshingirira muzuva.

Nyambiya: Zita rakabva pambiya

DUNHU raMambo Makoni, kuManicaland, rinonzi rine nzvimbo dzakawanda dzinoera. Dzimwe dzacho dzinosanganisira nzizi, ninga nemakomo ayo mamwe acho ane maruware anobuda mvura isingaonekwe painobva.

Kamwana kava nemwana

KASIKANA kaye kekuDomboshava kekusiira chikoro paForm 2 mushure mekuitiswa mimba inonzi ndeyechikomba chaamai vako, asi vamwewo vachiti kakanhumburiswa nasekuru, kave nemwana.

‘Mweya’ unomutuma kuzvambura mukadzi

Nyasha Chabvonga PANE mukadzi anoti anogara achirohwa kunge nyoka yapinda mumba nemurume wake apo anenge akabatwa “nemweya”.

O-LEVEL — NDIKO KUSASANA: Roddy naRobby vanyebera Lily

CHITSAUKO 11 (Nyaya yacho): Mangwanani emusi weChipiri apo Lily anonzwa pamusuwo kugogodzwa ndokudaidzira kaviri kuti ainge achigogodza wacho apinde asi hapana anopinda. Anosimuka kuti anoone kuti ndiani ndokuona pamusuwo pamire…

×