Muroora anorova amwene

Sandy Musungata CHEMBERE yekupfuviswa nekugara ichirohwa nekutukidzirwa nemuroora wayo yakazopotera kudare. Edina Mukundu (71) akazvuvira muroora wake, Rugare Mukundu, kuHarare Civil Court achiti ashaiswa rugare nekurohwa pamwe nekutukirirwa. “Vedare, dai mandibatsirawo

Muporofita akazora mukadzi wake hiv

Malven Mugadzikwa0 MUMWE muporofita wekuEpworth, muHarare, akamiswa mudare reHarare Magistrates’ Courts achipomerwa mhosva yekutapurira mukadzi wake utachiona hweHIV achiziva. Magret Shonhiwa akaendesa murume wake, Ephias Tumbare, kudare iri achiti akamuzadza chirwere

Kurasikirwa nemikana muupenyu

Bishop Bismark vakati vazhinji vakatadza kuyambuka pamusana pezviito zvinosanganisira kutaura-taura kana kusaziva nguva yokupindura munyaya inenge ichitaurwa. WAKAPOTSA wazviita asi pane chakangozoitika, chausina kunzwisisa kuti mukana wakange wazaruka

Mitemo yewanano yevechidiki

WANANO yevechidiki inosanganisira kuroorwa kana kuroodzwa kwevana vari pasi pemakore 18 ekuberekwa. Wanano idzi dzinogona kuitika vana ivavo vazvipira kana kuti vachimanikidzirwa. Wanano idzi dzinosanganisira vadiki nevakuru kana kuti kuroorana…

Stanbic Bank yobatsira

Muchaneta Chimuka BHANGA reStanbic Bank svondo rapera rakapa rubatsiro rwemari inosvika US$5 880 kusangano reCancer Association of Zimbabwe yekutenga mishonga yevarwere vegomarara, zvikuru avo vanotambura. Mai Junior Mavu, avo vanove mukuru…

Tezvara Vakapotsa Vafira Roora

YAKAVE batai-batai kumakuva ekuNyatsime New Cemetery, kuChitungwiza, nemusi weMuvhuro svondo rino apo vamwe tezvara vakapotsa vazvikanda muguva raida kuvigwa mwanasikana wavo uyo anonzi akapondwa nemurume wake, vachiti vaida kutanga vapihwa…

‘Ngirozi’ yakapotsa. . . muporofita akapotsa azvamburwa arova dondo

Patrick Shamba MHOMHO yevagari vemuMbare, muHarare, nevamwewo vaidarika, vakaita chipatapata musi weMugovera wadarika vachienda pazambuko remurwizi Mukuvisi uko vaida kunoona paicherwa nemapurisa nevamwewo vanhu mushure mekunge mumwe muporofita ati ngirozi

Opura mari nezvihuta

MURIMI wemumusha weProspect kuWaterfalls, muguta reHarare oita mbiri yekupfuya shiri dzezvihuta idzo ari kutengesera vemabhizimisi akasiyana ayo anosanganisira vemahotera, makoreji nevemayunivhesiti.

Kupisa: ‘Ngwarirai zvirwere’

BAZI rezveutano riri kuyambira veruzhinji kuti vangwarire zvirwere zvinogona kukonzerwa nekupiswa nezuva kwakanyanya, zvakaita segomarara reganda.

‘Taiva vakadzi vezvikwambo’

VAKADZI vatatu vekuEpworth, muHarare, vari kupupura kuti vaiitwa madzimai pamadiro nezvikwambo kwemakore akawanda izvo zvakavatadzisa kuroorwa.

×