‘Taiva vakadzi vezvikwambo’

VAKADZI vatatu vekuEpworth, muHarare, vari kupupura kuti vaiitwa madzimai pamadiro nezvikwambo kwemakore akawanda izvo zvakavatadzisa kuroorwa.

MAONERO EDU: Rambanai pane kuzopondwa

MAZUVA ano nyaya dzemhirizhonga yemudzimba dziri kuwanda zvikuru zvisinei nekuti kune mitemo yekurwisa mhirizhonga dzerudzi urwu. Nyaya dzakadai dziri kugara dzichibuda mungave mumapepanhau kana panhepfenyuro. Zvimwewo zvinofambisa mashoko nekukasika

Tigere tatata: Murume wekuombera chikomba

MURUME wekuChitsvatsva, kumaruwa ekwaSeke pedyo neChitungwiza, wekugara nechikomba chemudzimai wake kwenguva refu achinyeberwa kuti nditsano vake, anoti iye nemukadzi wake vagere “tatata” zvisinei nekubuda kwenyaya iyi munhau.

Gtl yakabatsira vakaremara

Kudakwashe Chinokuya SANGANO rakazvimirira, reGreen Light International Trust, nguva pfupi yadarika rakabatsira vanhu vakaremara mitezo vanosvika 20 nezvekushandisa zvakaita semawiricheya nemakirachi.

IMBWA HAIHUKURE SADZA: Zino irema rinodzurwa pamasowe

TIRI vanhu vanotya. Uye kutya kwedu kunotiita kuti titerere chero mamwe mazano anorera sederere. Tinotya zvinhu zvakawanda muupenyu. Tinotya kurwarirwa, tinotya kurwara. Tinotya kufa, tinotya kufirwa. Tinotya hurombo nekutambudzika zvekuti…

Ancelotti akabuda pachena

AIMBOVE murairidzi weReal Madrid, Carlo Ancelotti, akabuda pachena kuti anoda kurairidza nhabvu muPremier League zvakare asati asiya zvekurairidza nhabvu zvachose.

Munhukadzi ari kutevera haadiwe pachibhorani l ‘Akasvikapo mvura inopwa’ l ‘Masvikiro ekuno haazvide’

VANHUKADZI vabva zera vekuChitsungo, mudunhu reMbire, kuMashonaland Central, vakadzikirwa mutemo wakaoma: Imhosva kana mukadzi ari panguva yake yekugeza kana kutevera akasvika panocherwa mvura sepachibhorani.

MaWarriors pamwe nemaMighty Warriors vakakurudzirwa

SANGANO reZimbabwe Football Association rakakurudzira zvikwata zvenhabvu zvenyika zvemaWarriors nemaMighty Warriors kuti zvifunge pamusoro pezvemitambo yazvo chete yesvondo rino kwete kukanganiswa nenyaya dziri kuitika kuZifa parizvino.

Telecel yakapa vatori venhau $25 000

KAMBANI yeTelecel Zimbabwe yakatsigira vatori venhau kuburikidza nekupa $25 000 kusangano rinovamiririra, reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ), yekusimudzira kufambiswa kwemashoko neruzivo rwechizvino-zvino pakuita basa ravo.

Chirongwa chekuderedza rufu kumadzimai nevana

HURUMENDE, iri mushishi kusimudzira nyaya dzezveutano, zvikuru kuderedza dambudziko remadzimai anofa akazvitakura nevana vanoshaika pakuzvarwa.

×