Mutongi otsoropodza murume wekurikita mudzimai ne‘mop’
Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo, uyo akarova mudzimai wake senyoka yapinda mumba ne“mop” pamwe chete nezvibhakera mushure mekunge vatadza kuwirirana, akapihwa chirango nedare chekunzi abhadhare faindi yeUS$100 uye kukundikana kwake achagara…
Mapurisa otsvaga gororo rakaba mbudzi gumi
Lovemore Kadzura MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuChipinge ari kutsvaga murume akaba mbudzi gumi ndokuuraya dzimwe apo dzakasara dzacho dzakazowanikwa dziri mudanga rake. Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant…
‘Makamba emapurisa ngaave padyo neveruzhinji’
Muchaneta Chimuka HURUMENDE ine hurongwa hwekuvaka makamba emapurisa kunzvimbo dzisina makamba aya kumativi mana enyika nechinangwa chekurwisa kuparwa kwemhosva dzakasiyana-siyana uye kuti veruzhinji vawane rubatsiro rwemapurisa padyo navo. Mashoko aya…
‘N’anga’ yabatwa iine nyoka mbiri
Lovemore Kadzura MURUME wechidiki ane makore 19 okuberekwa akasungwa mushure mekuwanikwa achitenderera munharaunda yeChikanga, kwaMutare aine nyoka mbiri mhenyu idzo anoti anoshandisa mubasa rake rehun’anga achiita mhiko, zvikuru kune vanoita…
Mudzimai (36) odzipwa nevanhu vasingaonekwi
Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 36 okuberekwa anogara kuHatcliffe Extension, muHarare, anoti ayaura nekurumwa nezvinhu uye kudzipwa nevanhu vaasingaoni, rinova dambudziko rakatanga mushure mokunge anetsana nemumwe mukadzi pamusoro pemurume wavaidanana…
PSL yaranga DeMbare, Hardrock
Abel Ndooka PREMIER Soccer League yaranga zvikwata zvinoti Hardrock FC neDynamos pamwe chete nachamangwiza weHardrock FC – Kudzanai Hove – zvichitevera mhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium nemusi wa24 Chivabvu apo pakasangana…
Makororo matatu asungwa aba mombe 95
Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kwaMubaira kuMhondoro, kuMashonaland West vakasunga makororo matatu nekuda kwemhosva yavari kupomerwa yekuba mombe 95 kudunhu iri. Mutauriri wemapurisa kuMashonaland West, Inspector Ian Kohwera,…
Basa rekupfuya miramba rasimukira kakapetwa kaviri
Theseus Mauruki Shambare MABASA ekupfuyiwa kwehove dzemhando yemiramba akasimukira kakapetwa kaviri muZimbabwe mumwaka wa2024/2025, panguva iyo Hurumende nemapoka akazvimirira vari mushishi kutsigira mabhindauko aya nechinangwa chokuti munyika muve nechikafu chinovaka…
Makepekepe yotarisira kuna Arubi
Tadious Manyepo MUKURU weCAPS United Farai Jere anoti kuuya kwemubati wepagedhi wechikwata chemaWarriors, Washington Arubi, kuMakepekepe idanho rakatorwa apo mutambo weAfrica Cup of Nations waive usati watambwa kuMorocco muna Zvita…
Zim yosimbaradza kudzivirira kupararira kweHIV
Muchaneta Chimuka HURUMENDE iri kutarisira kugamuchira kubva kunze mimwe mishonga yeLenacapavir iyo inobatsira mukudzivirira kutapurirwa hutachiona hweHIV munguva pfupi iri kutevera izvo zvichabatsira veruzhinji vari panyatwa yekutapurirwa hutachiona uhu. Lenacapavir…











