Mwanakomana (13) wekutiza pamba awanikwa ave ‘street kid’

Muchaneta Chimuka MWANAKOMANA ane makore 13 okuberekwa, Tadiwa Mushore, uyo akange azvitsa mwedzi mitatu asingazivikanwe kwaari mushure mekutiza pamba, akazowanikwa ave kugara mumugwagwa muguta reHarare. Tadiwa akange ave kugara mumugwagwa…

Murume (41) apondwa nasahwira nechitsiga chehuni

Kingstone Mapupu MURUME ane makore 41 okuberekwa wekwaMambo Sogwala, kuLower Gweru akapondwa achiita zvekurohwa nechitsiga chehuni apo akarwiswa nasahwira wake mushure mekunge asvika pamusha pake achitukirira zvinyadzi aine vamwe vake.…

Mwanasikana (6) afa arohwa, ndokubatwa chibharo

Raymond Jaravaza MAPURISA ekuBulawayo ari kuferefeta nyaya inosuwisa zvakanyanya yemwanasikana ane makore matanhatu okuberekwa uyo akafa mushure mokunge abatwa chibharo pamwe chete nekurohwa nevamwe vakomana vatatu. Mwana uyu (zita tinaro)…

Mbavha (43) yoti yakatanga kuba iri Grade 3

Danisa Masuku MURUME ane makore 43 okuberekwa wekuBulawayo akatanga kuba ari Grade 3 izvo zvakazoona achipara mhosva 26 dzekuba mudzimba pamwechete nemumalodge uye ndokuzotongerwa kugara mujeri kwemakore mapfumbamwe mushure mekubvuma…

Musha wonaya matombo anobva mumhepo

Kingstone Mapupu MHURI inogara kuDzivaresekwa Extension Phase 1, muHarare, inoti yaona nhamo nekutemwa nematombo anobva mumhepo, izvo zviri kukonzera kuparadzika kwemba yavo pamwe chete nemidziyo. Dambudziko iri rakatarisana nemhuri yaVaEdward…

Mwedzi 12 mujeri adhedha mupurisa nezibanga

Kimberley Chitambara MURUME ane makore makumi maviri nemasere okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi gumi nemiviri izere mushure mekucheka mupurisa paruoko rweruboshwe nezibanga (machete). Blessing Makwanhla wemurukisheni rweMzilikazi akamiswa pamberi…

Gweja azviitira tsvina mudare nekutya mutongo

Ray Bande DARE reMutare Regional Court rakambomira zvishoma kutonga nyaya mushure mekunge mukorokoza aipomerwa mhosva yekuda kuuraya munhu azviitira tsvina asati apihwa mutongo svondo rapera. Ernest Gwayakwaya (22) wemumusha waMushati…

Hativhunduke Harare derby: CAPS United

Tadious Manyepo naEddie Chikamhi MUKURU-MUKURU weCAPS United, Farai Jere, anoti havazi kumborohwa nehana nekuda kwemutambo weCastle Lager Premier Soccer League pakati pechikwata chake neDynamos, uyo unozivikanwa nekunzi Harare derby, kuRufaro…

Bhizimusi guru kubva pamavambo anoshoreka

Flora Fadzai Sibanda MAKORE maviri adarika, munzvimbo yakanyarara yeWard 6, mudunhu reUmguza, Gracious Sibanda, uyo ane makore 31 okuberekwa, akaita sarudzo yaizoshandura upenyu hwake zvishoma nezvishoma. Izvi hazvina kutanga nehurongwa…

Ligi yegore rino makata: Ndiraya

Innocent Kurira ANOVE Coach of the Year pari zvino Tonderai Ndiraya anotenda kuti zvairatidza kubva pakutanga chaipo kuti mukombe we2026 Castle Lager Premier Soccer League uchakwikwidzwa zvine mutsindo. Murairidzi weChicken…

×