Mwana (13) akafa achirohwa nevanhu vasingaonekwi

Kingstone Mapupu MHURI inogara mumusha maSabhuku Chanhanga, kwaChinorumba, mudunhu raMambo Nhema, kuZaka, kuMasvingo, inoti ichine kuvhunduka kukuru zvichitevera kurohwa kuri kuitwa mwanasikana wavo nevanhu vasingaonekwi, zvinove zvakakonzerawo kufa kwemumwe mwanakomana…

Murume (46) abaiwa nabanga arambidza munhu kupinda muchimbuzi

Munyori weKwayedza MURUME wekwaSeke ane makore 32 ekuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu izere zvichitevera kubatwa kwaakaitwa nemhosva yekubaya munhu nebanga mushure mekunge arambidzwa kupinda muchimbuzi icho chainge chiri kunzi…

Mwana ashaikwa achitamba pamba pavo

Kingstone Mapupu MWANAKOMANA ane gore nemwedzi mipfumbamwe yekuberekwa, Given Magurira, anonzi akangoshaikwa apo aitamba pachivanze chevabereki vake kwaSabhuku Chinobva kudunhu raMambo Mukanganwi, kuBikita. Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kuMasvingo, Assistant Inspector…

Makororo aba padzimba 6 husiku humwe

Raymond Jaravaza MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuBulawayo ari kuferefeta nyaya dzemakororo manomwe ayo akamuka chibhebhenenga ndokuba mari nenharembozha padzimba nhanhatu muhusiku humwechete kurukisheni rweManningdale. Izvi zvakaitika nemusi wa14 Kubvumbi…

Murume atongerwa makore 15 mujeri abata mwana (3) chibharo

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME wekuGwanda ane makore 59 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore 15 nemhosva yekubata chibharo mwanasikana wemuvakidzani wake uyo ane makore matatu okuzvarwa. Wilson Ndlovu akabatwa nemhosva yechibharo apo…

N’anga yonzi iroyonore murume wayakaitira mhiko

Tendai Gukutikwa MAMBO Mutasa vekudunhu reManicaland vanoti imwe n’anga yekuMozambique, iyo yave kugara kuDangamvura kwaMutare, inofanirwa kuroyonora murume akarwara mushure mekumushandisira mhiko dzayo apo aipomerwa kuti akabira mumwe mudzimai asi…

Mwanakomana (10) apambwa, baba ndokurohwa nezisimbi

Muchaneta Chimuka MUNYAYA inokahadzisa, mumwe murume wekwaSeke akamiswa pamberi pedare reChitungwiza Magistrates’ Court achitarisana nemhosva mbiri dzinoti yekupamba mwana ane makore gumi okuberekwa uye nekuzorova baba vemwana uyu nesimbi mumuviri…

Ezekiel Guti half-marathon yoitwa

Abel Ndooka KUNENGE kusingadanwe anonzwa musi weMugovera paGrange Christian School, muHarare apo shasha dzekumhanya dzichakwikwidza mumujaho weArchbishop Ezekiel Guti half-marathon pamwechete newalkathon. Makwishu aya anoitwa gore negore senzira yekurangarira mushakabvu…

Murume apotsa afira chikwereti chenyama yembudzi

Hazel Chitepo MURUME wekuChimanimani akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu mushure mekubatwa nemhosva yekubaya mumwe murume nebanga zvakaipisisa uyo aive nechikwereti chake cheUS$10 chenyama yembudzi. Garikai Tirivangani (34) akabatwa nemhosva yekuedza…

MaHonda Fit Old Shape 6 ange abiwa awanikwa

Kingstone Mapupu MOTOKARI dzinosvika nhanhatu dzemhando yeHonda Fit Old Shape, idzo dzinokosha US$20 000, dzaive dzabiwa kunzvimbo dzakasiyana kuGweru dzakawanikwa nemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP). Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu…

×