Mukoma aponda munin’ina vanetsana vachinwa doro
Tendai Gukutikwa VAGARI vekwaChaputika kwaMambo Nyashanu kwaMuzokomba, kuBuhera vakasara vaine kusuwa kukuru zvichitevera nyaya yemurume anonzi akaponda munin’ina wake nekumutema nedemo vatadza kuwirirana apo vainwa doro vose. Gakava rakazokonzera kupondwa…
Mutumbi ‘waramba’ kukwana mubhokisi
Tendai Gukutikwa MUNYAYA inokahadzisa uye yakasiya imwe mhuri yekwaMutasa nevemunharaunda dzakapoteredza dzisina neremuromo, chitunha chemumwe mudzimai chinonzi chakaramba kukwana mubhokisi pane imwe kambani inovigwa vafi. Chiitiko ichi chakazomanikidza mhuri yemushakabvu…
Gadziriro dzeUhuru dzave padanho repamusoro
Munyori weKwayedza GADZIRIRO dzemhemberero dzekusvitsa makore 46 vanhu vatema vachizvitonga zvizere muZimbabwe, idzo dzichaitwa kuMaphisa, kuMatabeleland South, nomusi weMugovera dzave padanho repamusoro. Vachitaura kuvatori venhau mushure mekupera kwemusangano weCabinet muHarare…
Hurumende yosimbaradza kurimwa kwemupunga
Nqobile Bhebhe HURUMENDE inoti ine chinangwa chekuti nyika irime mupunga unokwanirana mumakore mashanu ari kutevera, zvichibva pahwaro hwakasimba hwekuburwa kwembeu yepamusoro-soro, kutsigirwa kwevarmi pamwe nemushandirapamwe nemasangano epasi rose. Mwongo wechirongwa…
‘Iyi ndiyo DeMbare yatinoziva’
Tawanda Munthal HAKUSI kudanwa anonzwa zvakare kunhandare yeRufaro, Vietnam Stand izere neruzha. Asi urwu harwusisiri ruzha chete. Dynamos haisi kurwira kuti isaburitswe muligi. Iri kurwa semvumba pakati pezvimwe zvikwata zvakatarisira…
Murume (45) azviuraya nekuda kwechikwereti cheUS$200
Leot Mafukashe naSimbarashe Chitsiku MURUME ane makore 45 okuberekwa wemumusha weSadziwa kwaMambo Mutasa kudunhu reManicaland anonzi akazviuraya kuburikidza nekunwa muchetura unoshandiswa mukuuraya zvipembenene mushure mekunge atadza kubhadhara chikwereti cheUS$200. Vakafanobata…
Murume (53) otsvagwa mushure mekushaikwa angobva pamba
Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kutsvaga Magora Chirashanye (53) aigara kuMucheke A, kuMasvingo zvichitevera kubva kwaakaita pamba achibva ashaikwa zvachose nguva yadarika. Chirashanye aigara panhamba 129 Chikumbo…
Murume (22) abaiwa nebanga nasahwira ndokufa vanetsana mubhawa
Kingstone Mapupu MURUME ane makore 22 okuberekwa wekuMberengwa anonzi akabaiwa nebanga nasahwira wake ndokufa mushure mekunge amutsvinyira achiti akatapurirwa chirwere chenjovhera nemumwe mukadzi anoita basa rekutengesa muviri. Nyaya iyi yakaitika…
Mitumbi yevarume 3 yawanikwa muLake Mutirikwi
George Maponga MITUMBI mitatu yevarume avo vanofungidzirwa kuti vaivhima mhuka dzesango zvisiri pamutemo yakawanikwa muLake Mutirikwi mushure mekunge chikepe chavo, icho vakagadzira voga, chanyura mumvura nekuda kwedutu remhepo rakasimba. Mutumbi…
Murume aponda aimbove shamwarikadzi yake yaramba kuti vadzokerane
Muchaneta Chimuka MUKADZI ane makore 26 okuberekwa wekunzvimbo yeHuni Compound kwaMambo Chireya, kuGokwe anonzi akabaiwa nebanga ndokufa nemurume waimbodanana naye mushure mekunge aramba kuti vadzokerane murudo. Nyaya iyi yakaitika paHuni…











