Mwanasikana (24) otsvagwa kwemakore maviri

Kingstone Mapupu MHURI inobva mumusha waSabhuku Rugare kwaNyika kuBikita, iri kutsvaga mwanasikana wayo, Beauty Mudyanebanga (24), uyo akagumisira kuonekwa mugore ra2024. Mai Evelyn Mukove (46) vanova amai vaMudyanebanga uye vanoshandira…

Muporofita akakanga ivhu repaguva pamoto semhiko yekurapa murwere

Tendai Gukutikwa MUMWE muporofita pamwechete nevamwe vaanoshanda navo vakaripiswa mombe naMambo Mutasa nekuda kwemhosva yekushereketa paguva remumwe murume apo vakatora ivhu repo ndokuita mhiko senzira yekupedza dambudziko raive nemunin’ina wemushakabvu…

Murume (61) ogara mujeri makore 60 abata chibharo mwana (9)

Muchaneta Chimuka MURUME ane makore 61 ekuberekwa akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 60 nedare reGokwe Magistrates’ Courts nekuda kwemhosva yekubata chibharo katatu kese mwanasikana ane makore mapfumbamwe okuzvarwa. Benjamin Sibanda…

Muimbi orwira kodzero dzevanhukadzi

Abel Ndooka MUIMBI wesungura ari kusimukira – Elias Thom – anoti zvakakosha kuti vanhukadzi vasimudzirwe munharaunda dzavanogara kwete kuvatarisira pasi. Thom, uyo anotungamira chikwata cheVapupuri Express, ane kambo — Single…

Horomba yegudo yashanyira murwere pamba

Kingstone Mapupu MHURI inogara kumindamirefu yeNivana, mudunhu raMambo Magonde, kuMhangura, kuMakonde, inoti yakashamiswa zvikuru nokuda kwehoromba yegudo yakashanyira misha yavo miviri yaichengeterwa mwanasikana anorwara ane makore 15 okuberekwa. Vemhuri yekwaMasauti,…

Ndakaberekerwa kushandira nyika: Suluman

Trust Khosa MUIMBI ane mukurumbira wemusambo weDendera, Suluman Chimbetu, anoti akaberekerwa kuti ashandire nyika pamwe chete nekuunza mufaro kumamiriyoni ezvizvarwa zveZimbabwe. Shasha iyi yechikwata cheOrchestra Dendera Kings yakataura mashoko aya…

Makororo maviri odya refovhoro kwemakore 65

Kingtsone Mapupu VARUME vaviri vekuHopley, muHarare vakatongerwa kugara mujeri kwemakore 65 pamumwe nemumwe wavo mushure mekubatwa nemhosva gumi neimwechete dzekuba. Conrad Moyo (22) naMilford Sidhakwa (24) vakaba zvinhu zvakasiyana-siyana kuBeatrice.…

Murume (37) asungwa aponda mudzimai

Muchaneta Chimuka MURUME ane makore 37 okuberekwa anogara kuGweru akasungwa nemapurisa nemhosva yekuponda mudzimai wake. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti murume uyu — Nhlalo Darlington Baloyi —…

Mukomana (20) aba motokari achangobuditswa mujeri

Muchaneta Chimuka MUKOMANA ane makore 20 okuberekwa, uyo achangobva kuburitswa mujeri pasi pechirongwa chePresidential Amnesty, akasungwa mushure mekuba motokari pamwechete neUS$1 800 kuKwekwe uye akazobatirwa paMurombedzi Business Centre, kwaZvimba. Benjamin…

‘Ndiri kunyimwa bonde nemurume kwemakore 11’

Tendai Gukutikwa MUDZIMAI wekuHonde Valley akamhan’arira murume wake, uyo ane barika, kudare raMambo Mutasa achiti ari kumunyima bonde kwemakore 11 adarika uye ari kungosanana nemukadzi wake mudiki. Febby Chikomba akapotera…

×