Vanhu 134 vafa nemvura yekunaya

Precious Manomano VANHU 134 vakafa nekuda kwenjodzi dzine chekuita nekunaya kwemvura kubva pakatanga mwaka wezhizha, sezviri mugwaro richangobuditswa nebazi reDepartment of Civil Protection. “Kukwira kuri kuita mvura munzvimbo dzakadai semunzizi…

Makororo maviri apfurwa akafa 

Freeman Razemba MAKORORO maviri akapfurwa akafa mushure mekuridzirana pfuti nemapurisa kuGweru nemusi weChina manheru svondo rino. Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya iyi. “Mapurisa anotsinhira kuridzirana pfuti kwaitika…

Hapana nzvimbo inokunda kumusha: King Isaac

Trust Khosa MUIMBI wemusambo wereggae ane mukurumbira King Isaac, uyo pari zvino ari kugara kuUnited States, anoti hapana nzvimbo inokunda kumusha. Mudzidzisi wezvekuimba uyu, uyo ane dambarefu rinonzi “Isaacs Meets…

Mbavha hutu nemotokari neUS$1 800

Muchaneta Chimuka MURUME ane makore 46 okuberekwa wekuAmethyst Heights kuRedclife, kuKwekwe akabirwa motokari yake pamwechete neUS$1 800 nezvimwe zvinhu izvo zvose zvinokosha US$9 920 mushure mekunge mbavha dzapaza imba yake.…

Mombe 9 dzaive dzabiwa mudanga rimwe dzawanikwa

Kingstone Mapupu MAPURISA ekuMidlands akazivisa nezvekuwanikwa kwemombe pfumbamwe idzo dzaive dzabiwa kuZhombe gororo racho richibva ratiza. Nyaya iyi yakaitika kwaSabhuku Ngwee kudunhu raMambo Malisa, kuZhombe nemusi wa3 Kurume. Mutauriri wemapurisa…

Murume (56) opomerwa kubata chibharo hanzvadzi inorwara nepfungwa

 Dalyn Chigwizura MURUME ane makore 56 okuberekwa wekuBulawayo akamiswa mudare reko achipomerwa mhosva yekubata chibharo hanzvadzi yake yemakore 44 uyo anove murwere wepfungwa. Musungwa uyu, uyo anogara kuMpopoma uye zita…

Dambudziko remoto wemasaramusi rakwira mutanda

Kingstone Mapupu DAMBUDZIKO remoto uri kungobatira woga uchipisa dzimba nemimwe midziyo kwaSabhuku Makosvo kwaBesa, kudunhu raMambo Seke riri kufambira mberi uye rasvitsa mwedzi mitatu moto uyu uchingonganduma. Moto wemasaramusi uyu…

Murume adamburwa musoro nemakumbo nechitima

Kingstone Mapupu MURUME wekuMberengwa ane makore 19 okuberekwa akatsikwa nechitima ndokudamburwa musoro nemakumbo apo aive akarara munjani. Tsaona iyi yakaitika nguva pfupi ydarika. Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanotsinhira…

Chakachaya muZim Derby

Abel Ndooka NZIRA dzose dziri kunanga kuRufaro Stadium, muHarare, nomusi weSvondo apo zvikwata zvakarimirana kumuganhu — Dynamos FC neHighlanders — zvichasangana mumutambo unozivikanwa nokuti Zim Derby muCastle Lager Premiership Soccer…

Murimi oita zvinorova nekuvandudza zvirimwa, mukaka

Muchaneta Chimuka MURIMI wekuBindura, VaCardmelon Manatsa, vepapurazi reKunatsa Estate, apo pane mahekita 480 echibage uye 300 esoya bhinzi, voita zvinorova nekuvandudza zvirimwa izvi pamwe chete nemukaka wemombe, izvo zviri kuita…

×