Hurumende yogadzirisa makomba emumigwagwa

Muchaneta Chimuka BAZI rinoona nezvezvifambiso nekusimudzirwa kwezvivakwa rinoti rine hurongwa hwakasimba hwekuona kuti makomba-makomba ari mumigwagwa yakawanda, zvichitevera kunaya kuri kuita mvura zhinji, agadziriswa nechinangwa chekuti vatyairi vedzimotokari vafambe zvakanaka…

Mwanakomana atsika baba vake nekombi vakafa

Muchaneta Chimuka MURUME wekuMutawatawa, Phenius Kasuso (36), akasungwa nemhosva yekutsika baba vake, Jona Kasuso (58), nekombi izvo zvakazokonzera kufa kwavo mushure mekunge vanetsana pamusoro pefiro yakaita munin’ina wake. Izvi zvakaitika…

Moto unongotanga woga uchipisa mibhedha, masofa . . .

Kingstone Mapupu MHURI yemumusha waSabhuku Makosvo kwaBesa, kwaSeke yogara yakabatira hana mumaoko nekuda kwemoto uri kungotanga woga uyo wapedza kupisa midziyo yose kusanganisirawo nedzimba. Dambudziko remoto uyu rinonzi rasvitsa masvondo…

Murume (29) arohwa akabva mazino 2 atukirira amai vake

Muchaneta Chimuka MURUME ana makore 29 okuberekwa wekuChitungwiza akatemwa-temwa shaya nesimbi nemumwe murume zvakaita kuti arasikirwe nemazino maviri mushure mekunge agumburiswa nekutukirira kwaaiita amai vake. Shaya imwe neimwe yakadonha zino,…

Shoroma yatsikwa nemotokari yayo ndokufa

Lovemore Kadzura IMWE mhuri yekwaRusape yakasara isisina muriritiri mushure mekunge baba vacho, Morris Majiri, atsikwa nemotokari yake ndokufa pamba pake murukisheni rweCrocodile. Majiri ndiye muridzi weStaunch Hardware iri kwaRusape uye…

‘Kupfuya ma‘Road Runner’ kunobhadhara’

Kingstone Mapupu MABHINDAUKO ekupfuya huku dzechivanhu idzo dzinozivikanwa nekunzi ma“Road Runner” ari kuramba achisimukira munyika izvo zviri kuonekwa nekuwanda kwevarimi vadiki nevakuru vari kupinda muchirongwa ichi. Vamwe vevarimi vasimukira nekupfuya…

Hurumende yagadzirira kurwisa ‘cyclone’

Theseus Shambare HURUMENDE yakapa mari kumatunhu ose enyika yekusimbaradza gadziriro uye kurwisa njodzi dzine chekuita nekunaya kwemvura apo dzimwe nzvimbo dzinotarisirwa kusangana nedambudziko remafashamu panguva ino yemwaka iyo inonaya mvura…

‘Zita remadunhurirwa Warriors rine munyama’ . . . ngatisiyane naro

Munyori weKwayedza MUMWE murairidzi mukuru wepaUniversity of Zimbabwe anoti chikwata chenyika chenhabvu chinofanirwa kusiyana nezita remadunhurirwa rekuti Warriors nekuti rine munyama ne‘mhepo’ yakaipa. Dr Tafara Marazi, uyo asingaone uye ari…

Mvura zhinji ine dutu yotarisirwa kunaya

Munyori weKwayedza  ZIMBABWE iri kutarisirwa kunaya mvura yakawanda inodzika pasi zvekusvika 50 mm iyo ichange ine dutu guru pamwe nemabhanan’ana kutanga musi weChitatu svondo rino kusvika neMugovera, sekuzivisa kwebazi reMeteorological…

Tezvara vashinha nemuroora, ndokuuraya mwanakomana wavo vabatikidzwa

Latwell Nyangu MUNYAYA inoshamisa zvikuru iyo yakaitika kuKadoma, murume ane makore 78 okuberekwa anonzi akaponda mwanakomana wake mushure nekunge amubatikidza achishinha nemudzimai wake pamubhedha pamusha pavo. Benjamin Harry ari kupomerwa …

×