‘Ndatambura nembatya dzandakapihwa dzabva kun’anga’. . . ndikamisa musikana anotiza seaona shumba
Kingstone Mapupu MURUME ane makore 29 okuberekwa — Elisha Sukumidzai — uyo anogara kuEpworth uye kumusha achibva kwaSabhuku Beta kuBikita, anoti upenyu hwake huzere nematambudziko ayo akatanga ari mudiki mushure…
Kambo kaMuketiwa naMadzibaba Zakaria kabuda
Abel Ndooka MUIMBI wesungura – Lovemore Muketiwa – akaburitsa kambo katsva kanonzi ‘Ngatinamatei Nesimba’ ako akaimba neshasha yemhanzi, mushakabvu Nicholas ‘Madzibaba’ Zakaria. Muketiwa, uyo anotungamira chikwata cheMuketiwa Sounds, akapinda mustudio…
‘Ndinorwadziwa nekuchengeta mwana wandakamitiswa nababa’
Muchaneta Chimuka MUSIKANA ane makore 18 okuberekwa, uyo watichapa zita rekuti Talent senzira yekumuchengetedza sezvo achiti akabatwa chibharo ndokumitiswa nababa vake vekumutumbura, anoti ari kurwadziwa zvakanyanya nekuchengeta mwana waakazobara mushure…
Murume (56) afa azvipfura nepfuti
Kingstone Mapupu MURUME ane makore 56 okuberekwa wemuguta reGweru akazvipfura nepfuti ndokufa apo aive ari oga mumba make nekuda kwechikonzero chisina kuzivikanwa. Mutumbi wemurume uyu, Farai Zindonda, wakaonekwa uri mumba…
Murume (52) tasa nemutoriro
Solomon Bhumu MURUME ane makore 52 okuberekwa wemusha weGreenside akawanikwa akafa paMunowenyu Business Centre kuSakubva, kwaMutare nomusi weChitatu chapfuura uye mapurisa ane fungidziro huru yekuti rufu urwu rwakakonzerwa nekunwa mutoriro…
Ongororo yemamiriro ezvirimwa yoitwa
Muchaneta Chimuka HURUMENDE kuburikidza nebazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwevagari vekumaruwa iri kuita ongororo maringe nechimiro chezvirimwa muminda kumatunhu akasiyana munyika uye pari zvino ongororo iyi yakaitwa kumatunhu anosanganisira…
Hadebe oparura sangano rinobatsira vanotambura
Blessing Malinganiza MUTAMBI wenhabvu ane mukurumbira, Teenage Hadebe, ogadzirira kuparura sangano rinobatsira vanotambura, kunyanya vechidiki vanobva kumhuri dzinoshaya. Shasha iyi, uyo anotamba pakati muchikwata chenyika chemaWarriors pamwe neFC Cincinnati uye…
Deheny’a remusoro wemunhu rawanikwa musango
Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kukumbira kuruzhinji kuti vabatsirwe kana pane angazivewo deheny’a remusoro wemunhu rakawanikwa padyo nemasango eSave Valley Conservancy. Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector…
Mutodi orumbidza Tuku, Mukanya naMacheso
Trust Khosa naLangalihle Mhiti MUIMBI wemusambo weAfro-Jazz anogara kuUnited Kingdom uyewo ari mushandi wemabasa anobatsira veruzhinji, Tich Mutodi, orumbidza vaimbi vemuZimbabwe avo vanosanganisira mushakabvu Oliver ‘Tuku’ Mtukudzi, Thomas ‘Mukanya’ Mapfumo…
Gunduru avigwa sembinga
John Nyashanu Gift Kembo, uyo aizivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Majibha, aive munhuwo zvake. Kwemakore anodarika makumi maviri airarama nekupemha uye nekushanda mudzimba dzevanhu muBudiriro 5, muHarare achigara pamhene pazvitoro zveko…











