Vanhu 70 vafa mutsaona dzine chekuita nekunaya kwemvura
Kingstone Mapupu BAZI rinoona nezvekuchengetedzeka kweruzhinji munyika reCivil Protection Unit (CPU) rinozivisa kuti vanhu vanokwana 70 vafa mutsaona dzine chekuita nekunaya kwemvura kubva patanga mwaka wezhizha uno. Misha yaparadzwa nemvura…
Mombe 28 dzanga dzabiwa dzakawanikwa
Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vakasunga Elliot Hwende (19) naPromise Njanjure (52), vose vekuTriangle kuChiredzi, nemhosva yekuba mombe 28 idzo dzose dzakazowanikwa. Hwende anogara kuVillage 1 Crown…
‘Vabereki ongororai mashandisiro evana Social Media’
Sukulwenkosi Dube-Matutu MAPURISA ari kukurudzira vabereki nevamwe vachengeti vevana kuti vagare vachiongorora mashandisiro avanoita dandemutande panguva iyo nyaya dzine chekuita nekushungurudzwa kwevana dziri kuwanda izvo zviri kurunzirwa neSocial Media. Vachitaura…
Muimbi orwisa kutorwa kwezvinodhaka
Abel Ndooka MUIMBI wechitendero – Wonesai ‘The Vibrator Grr’ Chimwanambo – orwisa kutorwa kwezvinodhaka nevechidiki zvichitevera kuvamba kwaakaita chirongwa chekubatanidza vaimbi vanobva munzvimbo yeGokwe kuti vashande pamwe chete vachipa chenjedzo…
Mhuri yogara mumigwagwa imba yatengeswa nemumwe wavo
Kingstone Mapupu MHURI yaigara pamba pavakasirwa nevabereki vavo vanove vashakabvu mumusha weMbare, muHarare inoti yava kugara mumigwagwa zvichitevera kutengeswa kwakaitwa imba iyi nemumwe wavo. Imba yamutsa mutauro nebongozozo iyi inowanikwa…
Murume (39) aponda shamwarikadzi nekuda kweshanje
Lovemore Kadzura MURUME ane makore 39 okuberekwa, Goodwell Kamunda, akamiswa mudare achipomerwa mhosva yekuponda shamwarikadzi yake, Felina Kazembe, nekuda kweshanje kwaChiendambuya kwaMambo Makoni, kwaMakoni. Izvi zvakaitika nemusi wa2 Ndira gore…
Zim yogadzirira World Cup
Abel Ndooka ZIMBABWE Cricket yakadoma chikwata chenyika chemaChevrons icho chichanokwikwidza kumutambo weInternational Cricket Council (ICC) Men’s T20 World Cup 2026 uyo uchatambirwa kuIndia neSri Lanka. Mutambo weICC Men’s T20 World…
Indasitiri yekofi yagadzirira budiriro huru
Tapiwanashe Mangwiro INDASITIRI yekofi inogona kubudirira zvakanyanya kana nyika ikakwanisa kuvandudza chirimwa ichi chichigadziriswa zvinhu zvakasiyana-siyana kana zvichienzaniswa nekungochitengesa kunze chakadaro, izvi zvakabuda muongororo yakaitwa yeAkribos Research Industry Report. Gwaro…
Varume vaviri votarisana nemhosva 101 dzekuba US$2 miriyoni
Kingstone Mapupu VARUME vaviri vakamiswa mudare reMbare Magistrates Court nekuda kwemhosva 101 dzekubira veruzhinji mari inosvika US$2 miriyoni nechikiribidi. Vakasungwa ava ndiAggripa Chivende (42) naAudious Rungano (32) avo pakutanga vaipomerwa…
DeMbare ‘yochemera’ Pasuwa
Eddie Chikamhi CHIKWATA cheDynamos chine tarisiro yekugadza murairidzi mutsva mukupera kwesvondo rino kuitira kuti vatambi vachitanga kuita gadziriro dzemwaka uri kutevera. DeMbare svondo rino yange iri mushishi kukwezva aimbove murairidzi…











