MACHIKICHORI: Kukaringa zvikanganwahama
NYAMA yezvikanganwahama inonaka zvikuru sezvo isina mafuta akanyanya uye ine mapuroteni anobatsira mukuvaka muviri. Anobatsira zvakare mukurwisa zvirwere zvakasiyana-siyana mumuviri. Svondo rino, Tsitsi Ndarukwa wekuChitungwiza anotitsanangurira mabikirwo ezvikanganwahama emhando yepamusoro.…
BVUNZA GODOBORI: Mombe yehumai yakakosherei?
MUCHIKAMU chino, vaverengi, vateveri veKwayedza nevamwe vanotsigira bepanhau iri vari kupihwa mukana wekubvunza zvimwe zvezvinhu zvinoshamisa, zvisinganzwisisiki nezvakasiyana-siyana zvinonetsa pachivanhu mumararamiro evatema, uye vachipindurwa nenyanzvi. Mubvunzo Ndinozwa vanhu vakawanda vachitaura…
Mukadzi aba Toyota double cab ndokuibonderesa akadhakwa
Bokang Tlou MUKADZI wekuBulawayo ane makore 25 okuberekwa akamiswa pamberi pedare redzimhosva achipomerwa kuba motokari yerudzi rweToyota Tundra double cab inokosha US$70 000 ndokuibonderesa apo aityaira asina rezinesi uye akadhakwa.…
Abaiwa nebanga aramba kutengera munhu doro
Lovemore Kadzura MURUME wekwaMambo Zimunya ari kurwira hupenyu hwake muchipatara cheVictoria Chitepo Provincial Hospital, kwaMutare mushure mekubaiwa nebanga pahuro nemumwe murume uyo ainge asina kufara nechikonzero chekuti akaramba kumutengera doro.…
Madzimai 2 asungirwa kurima mbanje
Kingstone Mapupu MADZIMAI maviri, Chipo Mbofana (50) naGrace Kondo (56), avo vose vanobva mumusha waSabhuku Maoresa kudunhu raMambo Ngezi, kuMhondoro vakasungwa nemhosva yekurima mbanje zvisiri pamutemo. Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland…
Rusvava rwanunurwa muchimbuzi che’blair toilet’
Liberty Dube MUCHIITIKO chinokatyamadza, mudzimai wekwaSabuku Manzvire kudunhu raMambo Musikavanhu kuChipinge akabara mwana mukomana ndokumukanda muchimbuzi chemhando ye’blair toilet’ umo akazonunurwa nemapurisa mushure mekunge vachera nepadivi pechimbuzi ichi. Mucheche uyu,…
‘Jeri rakandiworora’ . . . ndinotsvagawo rubatsiro rwekutanga mabhindauko
Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 33 okuberekwa, Pedzisayi Madhewu, wekuSub Drift kudunhu raMambo Nyashanu kuBuhera anoti jeri rakamuworora uye akadzidza kuti kupara mhosva hakubhadhare mushure mekupika mwedzi 13 nekuda kwekurima…
Mbavha hutu nepfuti, mari
Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuGweru ari kutsvaga makororo maviri ayo anonzi akasvikovhura madhoo eimwe emotokari nechisimba ndokuba mari nepfuti. Nyaya iyi yakaitika padyo neDrive Inn kuGweru apo…
Mudzimai (21) afa nemushonga wekukudza sikarudzi
Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 21 okuberekwa aigara kuOverspill kuEpworth uye kumusha achibva kwaNyagwiti kwaSabhuku Chawawa kwaMambo Makuni kuRushinga, kuMt Darwin anonzi akafa mushure mekushandisa mushonga wechivanhu wekuvandudza sikarudzi. Jacqueline…
Muimbi orangarira vanhu vanofa mutsaona
Abel Ndooka MUIMBI ane mukurumbira – Tawanda Chisasa – uyo vazhinji vanonyanya kuziva saHonorable Tawaz, akabura kambo katsva kechitendero kanonzi ‘Njodzi Mumigwagwa’ ako anorangarira vanhu vari kurasikirwa nehupenyu nekuda kwetsaona…











