Chikoro chemitambo yevechidiki chavambwa

Abel Ndooka CHIKORO chitsva chemitambo yevechidiki chakavambwa kuMabvuku, muHarare, svondo radarika paine chinangwa chekusimudzira vane matarenda mumitambo inosanganisira nhabvu yevanhurume nevanhukadzi uye netball. Chakatangwa naProphet Tawanda Blessing Bondera, avo vanoti…

MAONERO EDU: Mushonga wengozi kuiripa

SVONDO rino, tine nyaya yeimwe mhuri yekuDema, kwaSeke, iyo iri kuti yanetswa nengozi yemumusha mavo. Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi pane mwanakomana wemhuri iyi akapondwa nevamwe vanhu vatatu makore manomwe adarika…

TISHAMWARIDZANE: Muri kutsvaga shamwari here?

Makadii veKwayedza? Ndiri murume ane makore 39 uye ndiri HIV positive. Ndine vana vaviri. Ndinotsvagawo mudzimai ane makore 25 kusvika 35 ari HIV positive. Ngaave ane vana vaviri kana vatatu,…

Oshandisa zita remushakabvu kunzvenga mhosva 4 . . . akabata chibharo madzimai 3

Muchaneta Chimuka MURUME ane makore 34 ekuberekwa wekuChitungwiza akamiswa pamberi pedare reko nemhosva dzekunyepa apo akashandisa zita remushakabvu senzira yekunzvenga mhosva nhatu dzekubata chibharo madzimai matatu uye nekupamba mumwe mukadzi…

Makuwerere kudopiro guru reChibuku Neshamwari

Muchaneta Chimuka KUCHANGE kuri kumakuwerere kumakwikwi eChibuku Neshamwari Traditional Dance Festival National Finals, ayo achaitirwa kwaMutare, ku“Makomoyo”, nemusi wa19 Chikunguru apo zvikwata gumi zvinobva kumapurovhinzi eZimbabwe zvichakwikwidzana. Mai Patricia Murambinda,…

Murume otengesa chitunha cherusvava achiti i’beef’

Zvikomborero Parafini MUTONGI wedare reHarare Magistrates’ Court, Tapiwa Kuhudzai, vakati murume wemuHarare – Stanley Marecha – uyo akanhonga mutumbi werusvava uye ndokuzama kuutengesa achiti inyama yemombe, aende kunovhenekwa njere dzake.…

Batsirai mwana akazvarwa asina sikarudzi

Fungai Lupande MUSHURE memakore mana bepanhau reKwayedza ratanga kuburitsa nyaya inosuwisa yemwana, Junior Nyakudya (4), wemubhuku raNyakudya kuBindura, uyo akaberekwa asina sikarudzi, vabereki vake vari kutsvaga rubatsiro rweUS$10 000 yekuti…

Murume apondwa achinzi aba madhongi

Solomon Bhumu MUTUMBI wemurume akarohwa nevarume vanomwe vachimupomera mhosva yekuba madhongi avo wakawanikwa wave kutowora uri mumba make kwaSabhuku Mashakwari kwaMambo Musikavanhu, kuChipinge. Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman…

Makore 7 mapurisa achitsvaga mhondi  

Munyori weKwayedza MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kukumbira veruzhinji vane mashoko anokwanisa kuita kuti vasunge Mthandazo Sibindi (42) wekuSilobela nemhosva yekuuraya muzukuru wake nekumupfura nepfuti mugore ra2018 mushure mekupomerwa…

Murume (21) afa ‘adzipwa’ nemweya wengozi yamukoma  

Muchaneta Chimuka MURUME ane makore 21 okuberekwa wekuDema, kwaSeke anonzi akafa mushure mekudzipwa nemweya wengozi yemukoma wake mune rimwe bhawa reko iro rakaponderwa mukoma wacho zvekare. Mushakabvu uyu, Tashinga Chirunga…

×
×