GRADE 7: Zvombo nemidziyo yakasiyana-siyana
Ticha Danga ZVOMBO zvekushandisa zvinoita kuti mabasa areruke uye aitwe nemazvo. Tine zvombo zvakawanda zvatinoshandisa kurerutsa mabasa pamusha. Zvombo izvi zvinogona kuva zviri zvesimbi kana miti.
A-LEVEL — MASIMBA: Sekai, aimbova musikana waTafi anotizira Chamu
Ticha Tichaziva “NATSA KWAWABVA” naMusi Gloriosa Katerere
$2m yekubhadharira chikoro vana 8300
HURUMENDE svondo rapera yakabhadhara mari inosvika $2 miriyoni yechikoro yevana 8 300 vevaiva varwi yehondo yerusununguko rweZimbabwe nevamwewo vanoshaya.
Chengetedzai nharaunda: Chikukwa
MACHECHI anorumbidzwa nebasa raari kuita mukubatana nemapoka akasiyana mukuchengetedza nharaunda pamwe nezviwanikwa zvenyika.
Mukuwasha afemeswa naambuya
Yvonne Manyanja MUKUWASHA wekuti ari kushungurudzwa naambuya pamwe chete navatezvara vake, avowo vanoti vakatotama musha mushure mekunge avabvisira marata ose pamba pavo, achinzi murombo asi vachiramba kutambira mari
Anosikiza amai demo…‘Ndinokuuraya mukadzi iwe’
Amager Mufema MWANAKOMANA wekumiswa mudare nenyaya yekusikiza amai vake demo pamwe nekuvamonya ruwoko achiramba kutumwa anoti haazive kuti chii chinenge chamugara paanoita izvi.
O-LEVEL — MUSEVE USINGAPOTSE/SHOKO HARIVHIKWI: Mabasa en’anga pasichigare
Munyaradzi Gunduza Kukosheswa kwen’anga pasichigare (Tinoenderera mberi) N’anga dzaibvunzirwa zvinetswa pasati parohwa guva. Tinonzwa nezwi remunyori kuti mudunhu raMambo
Kwakabva zita: Sawiramakwande (Kariba Rural District)
ZITA rekuti Sawiramakwande rakabva pakuti paiva ne”Sawi” (nzvimbo inobuda mvura pasi ichierera paChishangwe). Pasawi apa paigara munhu ainzi Makwande saka zita Sawiramakwande mubatanidzwa wemazita Sawi
Vatenderedzwa misoro nezizi
MHURI inogara mumusha weHatfield, muHarare, svondo rapera yakafumoona mutumba wezizi uri muimba yekutandarira inova nyaya inofungidzirwa kuti ine chekuita nehuroyi uye iri kunzi yamutsa kukandirana nyoka
Vonomiririra Zim kuNew York
SHASHA dzevechidiki mukugadzira zvinhu zvakasiyana zvinovandudza raramo yeveruzhinji dzichaenda kunomirira Zimbabwe kumakwikwi ezvigadzirwa achaitwa kuNew York munguva pfupi iri kutevera.

